Akatambwa chiHarare

MURUME wemuHarare, uyo pamwe chete neshamwari yake, wekutora vakadzi vaviri vanoita zvechipfambi kuti vanosasana navo, akazozvidemba apo akabirwa $250.

Tinashe Katengu (26) wepanhamba 1726 Haticliffe, muHarare, akamhan’arira Beauty Masangadza (25) naLinda Kurwiravamwe (30) achivapomera mhosva yekuti vakamubira mari.

Vaviri ava vakarambisisa mhosva iyi vachiti Katengu akavahaya kuti vaite zvinyadzi navo panguva imwe chete asi akabva azokotsira.

“Zvakaitika ndezvekuti iye Katengu akange aine shamwari yake vose ndokubva vashereketa nesu. Shamwari yake ndiyo yakatanga kubuda mumba ndokusiya yatipa $10. Katengu akazorara asi makuseni ndokufuma ave kuti tamubira mari yake” akadaro Kurwiravamwe.

Mutongi wedare reHarare Magistrates Courts’, Muzvare Blessing Murwisi, akarasa nyaya iyi achiti pakange pasina umboo hunoratidza kuti vaviri ava vakange vabira Katengu mari yake.

Mutongi Murwisi akati mumba mavaiva umu makange muine mumwe munhu akapindamo anova shamwari yaKatengu nekudaro pakange pasina kujeka kuti ndiani akaba mari iyi.

Muchuchisi Chrispen Chikafu akazivisa dare kuti nomusi wa27 Chukunguru munguva dzemasikati, Katengu neshamwari yake vakasangana nevakadzi vaviri vanoita mabasa echipfambi ava paLassy Night Club, muHarare, vachibva vaenda kumba kwaMasagadza uko vakanobvumirana.

Katengu anonzi akarara mumba umu ndokuzomuka asisina $250 yake achibva aenda kuBorrowdale Police Station kunomhan’ara nyaya iyi zvikaita kuti vaviri ava vasungwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×