Muchaneta Chimuka
MURUME wekwaSeke – wekubatwa nemhosva yekuzvindikita mudzimai nemwanasikana wake mushure mekunge vamuramwira kasvava vachiti anofanira kukatengera chikafu – ava kuzvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa nedare kugara mujeri kwemwedzi miviri nechidimbu kana kubvisa faindi.
Alois Madzima (52) wemubhuku raChikonde akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrate’s Courts nemhosva mbiri dzekurova neshamhu mudzimai wake, Sandra Madamombe (35) anogara kwaChisvo, kwakare kwaSeke, pamwe chete nemwanasikana wake Ropafadzo Munemo (13).
Madzima anobvuma mhosva yake achiti akarova mudzimai wake mushure mekunge amusiira kasvava kane mwedzi mipfumbamwe yekuberekwa.
“Mhosva yekuvarova ndinoibvuma uye ndakavarova kamwe chete neshamhu mushure mekunge varamwira mwana pamusuwo wemba yangu,” anodaro.
Mutongi Sharon Rakafa akamupa chirango chekubhadhara faindi kana kugara mujeri kwemazuva 15 pamhosva yekutanga yekurova mudzimai wake.
Pamhosva yepiri yekurova mwana wemudzimai wake, akapihwa chirango chekugara mujeri kwemazuva 60 asi chakazosendekwa padivi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.
Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa3 Kukadzi gore rino munguva dzemanheru, vamhan’ari vaviri ava vakaenda kumba kwaMadzima uko vakanomupa mwana vachiti aifanirwa kuzomudzora mushure mekunge atenga chikafu chake nechaamai vacho.
Mushure meizvi, vakabva vadzokera kumba kwavo munzvimbo imwe chete iyi.
Pazuva rimwe chete munguva dzehusiku, Madzimai akaenda kumba kwevamhan’ari ndokusiya mwana uya pavhuranda akabva atemha shamhu ndokutanga kuzvambura mudzimai wake muviri wose.
Madzimai akarova mwana wemudzimai wake neshamhu apo aiedza kudzivisa kurohwa kwaamai vake .
Vaviri ava vakaita marwadzo epanyama asi havana kuenda kuchipatara kunorapwa vachibva vaenda kunomhan’ara kumapurisa ekuDema.
Madamombe anoudza dare kuti akange apa murume wake mwana uyu senzira yekuti azomudzora kana achinge amutengera chikafu.
Madzima akatongwa nemhosva yekurova munhu pasi pemutemo weSection 4 of the Domestic Violence Act, Chapter 05:16.




