Milcah Nhakura
MUDZIMAI wekuGlen View, muHarare, anoti murume wake ari kumushungurudza nekumurova apo anonyepera kunge akadhakwa uye mwana wavo akatomutsvagira kumwe kwekunogara nekuda kwekufurufushwa kwaari kuitwa nababa vake.
Kudzai Letwin Masuka akachema-chema mudare reHarare Civil Court achiti ari kuoneswa pfumvu naErick Mutore.
“Murume wangu anondirova semwana mudiki kana achinge abva kubhawa. Ndinokumbira kuti asanyepere kudhakwa nekuti pose paanouya kumba, anonyepera kudhakwa, ondirova pamwe nekundituka zvinyadzi pamberi pemwana.
“Changamire, anondizvambura saka chikumbiro changu kudare ndechekudzivirirwa,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti, “Anorova mwana wedu mudiki nekumutyisidzira zvekuti mwana haachina kana mufaro. Anoda kuti mwana amuremekedze kuburikidza nekumutyisidzira pamwe nekumurova.”
Masuka anoti mwana wavo akatomutsvagira kumwe kwekugara nekuda kwemashungurudzirwo aanoitwa nababa vake.
“Kutaura izvozvi mwana wedu ndakamutsvagira kumwe kwekufanogara nekuti kuti agare pamba ndinenge ndichitoomesera mwana. Ndinokumbira kuti amire kundirova, kundituka zvinyadzi nekushungurudza mwana,” anodaro. Mutore haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Masuka gwaro redziviriro.




