Akayanikwa pachena nemukadzi mudare

Sandy Musungata
MURUME wekuzama kunzvenga nyaya yekutizirwa kwaakaitwa nemusikana wake nekutsvaga gwaro redziviriro kudare akashaya pekupinda pazvakabuda pachena kuti akange asingashungurudzwe asi kuti yaive nzira yekuti musikana uyu abve pamba pavo.

Fungai Hamandishe akamhan’arira Hide Madari kuHarare Civil Court achiti aimbova musikana wake ndokuzouya kuzogara naye pamba vasina kutaurirana uye ari kuvimbisa kuzviuraira pamba ipapo.

Hamandishe akaudza mutongi wedare iri Marehwanazvo Gofa kuti: “Changamire, ndauya nekuda kwekushungurudzwa nemukadzi uyu. Akangoerakana auya kumba kwedu achiti ava kugara neni semurume wake asi takanga tisina kutaurirana. Ndinoda kuti abve kumba kwedu, ari kunditadzisa kugara zvakanaka.

“Imwe nyaya ndeyekuti ari kuti anoda kuzviuraira pamba pedu nekuti ndiri kumuti abve, saka ndava kutya ngozi uye anogona kundiurayawo semunhu ane kurwadzikana pamoyo nenyaya yekuti ndiri kumuti abve.”

Madari akaudza dare kuti mudzimai waHamandishe uye achangobva kusununguka mwana musikana.

“Ishe wangu, kana vanhu vaimbodanana musikana akaita pamuviri zvava kutoreva kuti ava mudzimai. Ini ndiri kugara zviri pamutemo pamba apa nekuti ndakatizira kwaari.

“Ndakatobatsirwa nemwanasikana wandakabereka uyu uye anotozviziva kuti ndiye baba vacho. Anoda kuti ndiende kupi nemwana wake?

“Zvekuti ndinoda kuzviuraya ichokwadi changamire, ndinofunga kuti zvaari kuda kundidzinga ndoendepi nemwana uye vabereki vangu havambonditambire. Iye ari kuda kunzvenga nyaya yekuti ndakamutizira.

“Nguva yekufara yakatodarika, ava kufanira kutoona zvekuti atiriritira tichibatsirana sevanhu vatotanga musha,” akadaro Madari.

Mutongi Gofa akarasa chikumbiro chaHamandishe ndokutopa Madari gwaro redziviriro kuti asadzingwa pamba apa. Akati Hamandishe anofanira kugadzirisa nyaya yake zviri pamutemo maererano netsika yekuroorana sezvo kutizira iri imwe nzira yekuroorana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *