Akayedzerwa ari musvo

Blessings Chidakwa
VAGARI vekwaMambo Mapanzure, kuZvishavane, vakasara vasina nechekutaura svondo rapera zvichitevera nyaya yemukadzi akafumoonekwa ari musvo pane rimwe sowe reko.

Mukadzi uyu – uyo asina kuzivikanwa zita rake pamwe nemakore ake ekuberekwa – akaonekwa ari pasowe iri apo aingomirizika zuva richangobuda.

Mambo Mapanzure, VaCollen Chimhofu, vanotsinhira nyaya iyi vachiti: “Musi weMugovera chaunga chevanhu chakauya kwandiri nemukadzi wavaiti muroyi wavabata ari musvo. Ndakazodzinga veruzhinji ava ndikasara nemudzimai uyo wandakazopa nhumbi nezvekudya ndikawana nguva yekukurukura naye.”

Mambo Mapanzure vanoti chakavashamisa ndechekuti paivataura nemukadzu uyu, aiita seanorasika njere.

“Vanhu vakauya naye vaiti munhu ane dzakakwana sezvo vaiti vanomuziva achitombofamba nedzimotokari dzemuchovha asi ini ndakaona seanorasa njere,” vanodaro mambo ava. Mambo Mapanzure vanoenderera mberi vachiti, “Ndakazonzwa kuti mota yakakwira mudzimai uyu ave kuendeswa kumba kwake yakamiswa pamapurisa iye akaburuka achidya marasha zvekuti vachengetedzi vemutemo ava vakasara vasina mate mukanwa.”

Kwayedza yakataurawo nevamwe vanhu vemunharaunda iyi avo vanoti vakaona mashura aya.

Tinarwo Marufu – uyo aivepo pakawanikwa mukadzi uyu ari musvo – anoti mudzimai uyu akapona neburi retsono sezvo vamwe, kunyanya vechidiki, vaida kumuita kanyama-kanyama asi ndokuzorandutsirwa nevechikuru.

Vanotaura vanoti mukadzi uyu anogona kunge ari muroyi akadonha kana kudonhedzwa nevamwe vake vari pabasa.

Marufu anoti mukadzi uyu hapana zvaakataura apo akabvunzwa kuti aitsvagei uye chii chakange chaitika kuti azowanikwa ari musvo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *