Joshua ndinomurikita: Miocic

APO mutambo mukuru waFloyd Mayweather naConor McGregor uri kuswedera pedyo, Stipe Miocic obuda pachena kuti anoda kurwa nemutambi wetsiva mukuru pasi rese.

Mutambi wemuboka reheavyweight, Miocic, anoti Anthony Joshua uyo anove shasha yetsiva ine mabhande eIBF neWBA anogona kumuzvambaradza.

Joshua akanyoresa zita rake munhoroondo yetsiva zvichitevera kurakasha kwaakaita Wladimir Klitschko mwedzi wadarika.

Miocic, akwanisa kuhwina mitambo 16 kubva pa18 yaakwikwidza yeUFC uye ane mutambo waakakwikwidza naJunior Dos Santos mwedzi wadarika.

Akati anoda kurwa naJoshua kuti zvionekwe kuti nyanzvi ndiani pasi rese pakati pavo.

Stipe Miocic

Shasha yeUFC iyi – iyo ine ruzivo rwetsiva zvichitevera kusvika kwaakamboita kumaquarter-fainari e2009 US Golden Gloves Tournament – akati ane chishuwo chikuru chekurwa naJoshua. “Kana mutambo uyu wakaitika wangu naJoshua unenge uri mukuru,” akadaro.

“Ndinofunga kuti ndinogona kushamisa vanhu vakawanda chaizvo, ndinofunga unenge uri mutambo wakapenga, ngatirwe! Munhu akanaka chaizvo, akasimba, ishasha nekugona kwaanoita. Ndinofunga kuti tinosvika kure mumutambo wedu.” – Sportsmail UFC.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×