Alcoz yobatsira vana muzvikoro kumaruwa

SANGANO reAlbino Charity Organisation of Zimbabwe (ALCOZ) rinoti rine hurongwa hwekushanda pamwe chete nezvikoro zvekumaruwa nedonzvo rekuti vana vanorarama nehusope vakwanise kuwana mishonga, magirazi ekuverengesa nekuti vabatwe pasina rusarura.

Mukuru weALCOZ, Muzvare Loveness Mainato vanoti vachafamba muzvikoro zvekumaruwa kuitira kuti vabatsire vana veko avo pari zvino vazhinji vavo vasiri kuwana rubatsiro urwu.

“Kubva patakavamba sangano redu tainyanya kubatsira vana vari mumadhorobha. Tava kuda kutandavara kusvika kumaruwa sezvo kuine vana vakawanda vasiri kuwana mafuta ekuzora ganda ravo uye magirazi, kunyanya vana vechikoro.

“Vamwe vacho vari kuzosiira chikoro panzira nenyaya yekuti vanenge vasingaenderani nevamwe pakuverenga. Tichadawo zvakare kuti tiite misangano nevadzidzisi pamwe chete nevakuru vezvikoro kumaruwa vanenge vachidzidzisa vana vane husope kuti vagone kuvadzidzisa maererano nedambudziko ravainaro,” vakadaro Muzvare Mainato. Zvichakadai, Muzvare Mainato vanoti kune vana vaviri, Clonah Chamahwinga (13) naClarah Chamahwinga (8), vakauya kumahofisi avo kuHarare vachibva kuBuhera svondo rapera vachitsvaga rubatsiro kusangano ravo.

Vanoti vana ava vaida rubatsiro rwemari yekutenga mishonga nemagirazi ekuverengesa uye vakavabatsira nemagirazi chete sezvo vachiri kumbotsvaga mari yekutenga mafuta avo ekuzora.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×