Alexandra Park Sch: 100% dzidzo…Vana zvikwapuro muchikoro…Mibairo vanoita yekukumba

CHIKORO cheAlexandra Park School, icho chiri muHarare, chizere neshasha munyaya dzedzidzo izvo zvakaona chichihwapura mubairo mukuru pamaProvincial Merit Awards akaitwa nguva pfupi yadarika.

Izvi zvinotevera kubudirira kwakaita vana vepo mubvunzo dzeGrade 7 dzegore rapera nechikamu che100%.

Pazuva guru kuzvikoro zvemudunhu reHarare iri, chikoro ichi chakapihwa mibairo yemikombe nemabhuku apo chakakundazve mumutambo wetenisi.

Mumwe mwana wepo, Claire Machisa (12), akatorawo mubairo akazvimiririra, weBest Tennis Individual Awards kumaUnder-13.

Mukuru anoona nezvemitambo pachikoro ichi, VaEliot Mushaninga, vanopembedza Claire nekusimudza kwaakaita mureza wechikoro chavo munyaya dzemitambo.

Izvi, vanodaro, zvinoratidza kuti vanasikana kana vakawaniswa mikana vanoita zvinhu zvikuru.

“Mitambo yakakosha kuvana nekuti inovawanisa mabasa mune remangwana, kusimbisa muviri pamwe nekunyevenutsa pfungwa. Pachikoro pedu tine mitambo yakawanda kwazvo inosanganisira rugby, hockey, cricket, kutuhwina, netball, tenisi, chess nemimwewo,” vanodaro.

Murairidzi wemakombiyuta pachikoro apa, Mai Tricia Mutetwa, vanoti vanofara zvikuru kuti vana vavo vari kukasika kubata zvidzidzo zvemakombiyuta izvo zvinoita kuti vafambirane neruzivo rwechizvino-zvino.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Fungisai Mafuva, avo vanodzidzisa Grade 1 vari zvakare mukuru anoona nezvemuzinda wekudzidziswa zvetsika nemagariro.

Vanoti vakavaka muzinda uyu nechinangwa chekufundisa vana maringe nemidziyo yechinyakare.

“Takavaka imba yekubikira yakapfirirwa neuswa umo mune midziyo inosanganisira hari, mbiya, rwayenga, maturi, misika, migoti, rupasa nezvimwe kuti tifundise vana zviri nyore nekuti apa vanenge vachiona zvinhu zvatinenge tichitaura nezvazvo. Paye patinofundisa vana veGrade 1 kuti shambakodzi ihari yekubikira sadza tinozopinda navo muimba ino tovati batai shambakodzi yacho kuti vazive. Vana vazhinji vari kuberekerwa mumaguta muno nokudaro mimwe midziyo iri kumamisha havagari vachiiona izvo zvinoita kuti vazokundikana muzvidzidzo zveShona,” vanodaro.

Vana vepachikoro ichi vakaita hurukuro neKwayedza vanoti vari kubatsirikana zvakanyanya nebepanhau rino, iro rine zvikamu zveGrade 7, O- neA-Level.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *