Mwana anosvitsa amai kutsime

Amager Mufema
AMAI vekushungurudzwa nemwanakomana wavo uyo anoshaya hunhu zvekugara achivatuka nekuvaparadzira midziyo yavo yemumba, vakapotera kudare redzimhosva vachiti zvavanyanyira.

Theresa Gamanya akamhan’arira Luckmore Dendamira kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare. “Ishe, ndaoneswa ndondo nemwanakomana wangu wandakatumbura. Anondituka semwana mudiki zvekutoti raini rose hapana asingazive kuti chembere ino inotukwa nemwana wayakazvara,” akadaro Gamanya.

Gamanya akaenderera mberi achiti Dendamira ane katsika kekurasira midziyo yake panze pamwe nekuiparadza.

“Anoparadza midziyo yangu yandakazvitengera. Dzimwe nguva anoikanda panze zvekuti midziyo yangu mizhinji yaparadzwa,” akadaro Gamanya.

Dendamira haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Gamanya gwaro redziviriro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *