Mthokozisi Ncube naLubelihle Moyo
VACHIDIKI, avo vanonyanya kuzivikanwa nekunzi Ama 2K vanoshamisa zvakanyanya!
Bepanhau reB-Metro nguva pfupi yadarika rakaita hurukuro nevasikana vanosvika 20 vechidiki muguta reBulawayo ndokuvabvunza kuti: “Chii chaungasarudze, HIV kana kuita pamuviri?”
Zvakabuda muongororo iyi zvinorovesa hana.
Gumi nemumwe chete vevasikana ava (55 percent) vanoti HIV iri nani, vatanhatu vavo (30 percent) vanoti vanosarudza havo kuita pamuviri uye vatatu (15 percent) vakaramba kupa mhinduro.
Zvikonzero zvavo zvavakapa nekuda kwesarudzo yavakaita zvinokahadzisa.
“HIV yakavanzika, Hapana anoziva nezvazvo. Ndinokwanisa kunwa mapiritsi angu muchivande asi ndikaita pamuviri, munhu wose anozviziva kuti handina kuzvibata,” anodaro mumwe wevasikana ava asingambotaridza kunyara zvachose nezvaari kutaura.
Mumwewo anoti: “Vana vanodhura kuchengeta. Pakutora mapiritsi, hapana anombozviziva kuti ndiri kumanwa.”
Vamwe vechidiki ava vane mufungo wekuti kuve neHIV haisisiri nyaya huru mazuva ano.
“Vakawanda vedu takazvarwa tiinayo. Vanhu vanotogara zvakanaka vachinakirwa nehupenyu,” anodaro mumwe.
Mumwe anotiwo: “Pamuviri hapaite zvachose. Panokanganisa chimiro chemuviri wako. Muviri wako hauzodzokedzane zvakanaka mushure mekubara. Vakomana havambofa vakakutarisa nekuti unenge wotaridzika sewachembera sanatateguru vako.”
Avo vakasarudza kuti vangade zvavo kuita pamuviri pane kuti vatapurirwe HIV, vanopawo zvikonzero zvavo zvakasimba.
“Ndinosarudza kuita pamuviri nekuti mwana chipo. Ndinenge ndawana Barbie Doll wekuti ndimuvake agofanana nemi uye zvinoreva kuti murume wangu haambofa akandisiya,” anodaro mumwe musikana.
“Kuita pumuviri kuri nani nekuti mushure memwedzi mipfumbabwe ndinenge ndapedza nazvo. Imbofunga kunwa mapiritsi kwehupenyu hwose! Kurarama here ikoko?” anobvunza mumwe wavo.
Mumwewo anoti: “Kana mwana achinge angobarwa, vabereki vanobva vatanga kumuchengeta. HIV unogara nayo kwehupenyu hwose. Unoona zvayo woga.”
Chiremba ane mukurumbira, Professor Solwayo Ngwenya, vanokurudzira kupihwa mazano zvakasimba kune vechidiki senzira yekuvadzoreredza hunhu hwavo.
“Ongororo yakaitwa iyi ine vanhu vashoma zvayo kuti pakwanise kunyatsoonekwa mamiriro ezvinhu, asi zvakabuda mairi zvinoshamisa. Vechidiki vanofanirwa kuita zvechikoro uye vodzivirira kuti vasabatwe neHIV,” vanodaro.
Murairidzi ane mbiri wepachikoro cheBabambeni Primary School kuBulawayo, VaThabani Tshuma, vanoti vechidiki vakawanda havachakochese nyaya yekuita bonde vakadzivirira.
“Havafungisise zvakanyanya pamusoro pekuita bonde risina dziviriro. Vanoda bonde risina dziviriro uye vozonwa mapiritsi ekuti vasabate pamuviri muzuva rinotevera (morning after pills). Vanotya kubata pamuviri kudarika chirwere chisingarapike. Mafungiro akadai haana kunaka zvachose uye anoda kugadziriswa nekukasika,” vanodaro.
Muzvare Thokozile Dlodlo vechechi yeEmganwini Church of the Nazarene vanotsinhira vachiti: “ART nezvirongwa zveU=U zvadzikisa rusarura panyaya yeHIV, apo kubara mwana kuvasikana vachangoyaruka kune zvakunoreva maringe namagariro munharaunda uye nyaya dzemari.
Vechidiki vanokoshesa rusununguko rwavo nekuwana mari yekuitisa zvavanoda pamusoro pazvose.” Vanokurudzira kuti vechidiki vawane gwara rakanaka muupenyu kuburikidza nekunamata.
“Kune vanogadzira mitemo, varairidzi nevabereki, yave nguva yekufunga zvakadzama pamusoro pedzidziso ine chekuita nebonde uye kutsigirwa kweAma 2K,” vanodaro.
Mararamiro akadai aya anoshamisa uye Ama 2K vari kutungamirira vachitaridza nzira, izvo zvinokahadzisa vakuru vose kakapetwa ka2000 mumafungiro avo, kana kuti kutadza kufunga.



