KWAYEDZA

Mhondi yapihwa makore 25 mujeri

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuramba achisimbaradza kurwisa mhosva dzekupondana zvichitevera kusungwa kwemhondi dzakaendeswa kumatare edzimhosva ndokupihwa zvirango zvinoenderana nemhosva dzavo.

Mukati mevakasungwa ava kune akapihwa makore makumi maviri nemashanu mujeri nemumnwe akapihwa makore gumi nematanhatu.

Vakasungwa ndokutongwa vanosanganisira Brian Chanachimwe (34), wekwaMurewa, uyo akapihwa makore makumi maviri nemashanu; naJonah Nekati (40), wekumaruwa ekwaSeke, uyo akazopihwa makore gumi nematanhatu.

Mutauriri wemapurisa kuchikamu chematikitivha eCriminal Investigations Department (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti vaviri ava vakatongwa neHigh Court muHarare.

“Vaviri ava vakawanikwa vaine mhosva yekuponda apo mutumbi wemunhu wechidzimai wakawanikwa wakakandwa pedyo neManyame Waterworks nomusi wa13 Ndira gore rino ra2026,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanoti nomusi wa19 Ndira gore rino ra2026, matikitivha eCID Homicide, Harare, akawana mashoko okuti Chanachimwe ndiye aiva nechekuita nekufa kwemunhu ane mutumbi wakanga wanhongwa uyu.

“Matikitivha akatanga kuronda nyaya iyi, ndokunosunga Chanachimwe mumugwagwa Kenneth Kaunda, muguta reHarare. Mukufeewa kwenyaya iyi, zvakazobuda kuti Chanachimwe aiva akarambana nemudzimai uye vainetsana nenyaya dzekuchengetwa kwevana vavo vatatu,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Murume uyu anonzi nomusi wa12 Ndira gore rino akavhevhetedza aiva mudzimai waakazoponda uyu kuti auye kumba kwake kuCrowhill, kuBorrowdale, muHarare, achiti aida kunomupa mari yechikoro yevana vavo.

Akadura kuti akapinda nemudzimai uyu mumba yemapuranga, ndokumumonyorora mutsipa achibva afa, ndokutora nhare yemukadzi uyu ndokuiviga.

Murume uyu anonzi nedare akazokumbira Nekati kuti amubatsire kutakura chitunha ichi kubvisa mumba senzira yekuvanza mhosva iyi.

Dare rakanzwa kuti vaviri ava vakatakura mutumbi uyu ndokuenda nawo pamugwagwa unoenda kuChitungwiza, paunosangana neunoenda kuEyecourt, muHarare, pakatarisana neManyame Waterworks, ndokuukanda ipapo.