KWAYEDZA

Dzikisa musuva nemutetenerwa

neMunyori weKwayedza

SVONDO rino tiri kudzidziswa naChiedza Tungundu, wekuMarondera, magadzirirwo emutetenerwa, dzinova nzungu dzakakangwa, dzikaiswa munyu, pashure dzodyiwa dzakadaro kana nesadza panzvimbo pemuriwo.

Tinowana mapuroteni akawanda kwazvo kubva muchikafu ichi. Tinowana zvakare iron kubva kunzungu idzi. Zvose izvi zvinobatsira pakuvandudza utano nekudzivirira zvirwre.

Zvinodiwa

Nzungu dzakamenywa;

Munyu;

Mvura yakachena;

Pani;

Mugoti

Mabikirwo

Sarudza nzungu dzacho, uchibvisa dzakaora.

Isa nzungu dzakanaka mupani, wokanga.

Shandisa mugoti kana chipunu kupindura.

Kana dzatsvukira, tora mvura nemunyu wosanganisa.

Dira mvura iyi ine munyu munzungu, wokanga kusvikira dzaoma.

Wozodii?

Kana dzaoma sezvizvi, bura, wopakura.

Mutetenherwa unodyiwa nesadza remhando dzose — jena, remhunga kana rezviyo. Asi kune vamwe vanoudya wakadaro.

Uku kudya zvakare kweparwendo.

Usakanganwa kunwa mvura uchiseredzera.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411281 kana +263773394753