KWAYEDZA

Rimwezve guva rawanikwa rakaiswa dombo nevasingazivikanwi kuMbudzi

Kingstone Mapupu

NYAYA dzevanhu vari kuisa matombo pamakuva evatorwa kuGranville Cemetery, uko kunonyanyozivikanwa nezita rokuti Kumbudzi, dziri kuwanda sezvo kwaita imwe mhuri zvakare yakawana pavakaradzika hama yavo paiswa dombo nevanhu vasingazivikanwi.

Nguva pfupi yadarika, takaburitsa nyaya yemhuri yekwaZamuchiya, kuChipinge, yakawana guva rehama yavo raiswa dombo nevanhu vavaisaziva Kumbudzi.

Mushure mekuburitswa kwenyaya iyi muKwayedza, mhuri mbiri idzi dzakazowanana asi dombo iri rakange ratobviswa nevashandi vekanzuru, vachiriisa paguva paro chaipo.

Zvakadai, mhuri mbiri idzi dziri kutaurirana kuti paitwe chivanhu pakati padzo nokuda kwemhosho dzakaitika idzi.

Guva raLaiza Dhliwayo, uyo akashaika mugore ra2000, rakawanikwa rakaiswa dombo raMercy Chogugudza Mubobo, uyo akafawo mugore rimwe chetero.

Munyaya yechipiri, vekwaMurumbi nevekwaMufaro vakawanawo guva rehama yavo yavakaviga mugore ra2010 kumakuva eKumbudzi zvakare rakaiswa dombo nevanhu vavasingazivi.

Paguva raCathrine Murumbi.

Guva rakawanikwa rakaiswa dombo iri nderaCathrine Murumbi, uyo akavigwa kuSection A, kumaY. Nhamba yeguva inoti 507.

VaLife Murumbi (42), vanova hanzvadzi yemufi uye vachigara kuGlen View, muHarare, vanoti, semunhu aive kunze kwenyika, vakaridzirwa nhare vachiziviswa kuti guva rehanzvadzi rakawanikwa rakaiswa dombo nevanhu vaisazivikanwa.

“Hanzvadzi yangu akaberekwa nomusi wa28 Kukadzi mugore ra1978, ndokuzoshaika nomusi wa19 Chikunguru mugore ra2010, tikamuviga nomusi wa22 Chikunguru. Akashaika achangobva kusununguka, ndokusiya mwanasikana, uyo atokura. Mukuwasha wangu navamukurungai ndivo vakazoridza nhare vachitizivisa nezvemashura aya,” vanodaro VaMurumbi.

Dombo rakaiswa paguva iri rakanyorwa kuti Edia Sengudzai Sanangurai, uyo anonzi akaberekwa mugore ra1949, ndokuzofa nomusi wa14 Chikunguru mugore ra2010.

“Vanhu vakaisa dombo iri hativazivi. Tinokumbira kuti tivazive, vauye kuzobvisa dombo ravo, nokuti tinodawo kuisa redu senzira yekufukidzira hanzvadzi yangu. Kwavari ikoko, tinokumbira kuti vatibate, titaurirane pamhosho yavakaita,” vanodaro VaMurumbi.

VaMalvin Mufaro (50), avo vaiva murume wemudzimai akashaika uyu, vanoti vakashamiswa zvikuru nekuwana guva remudiwa wavo rakaiswa dombo.

Catherine Murumbi

“Chishamiso kwatiri semhuri kuwana guva remudzimai wangu rakaiswa dombo nevanhu vatisingazivi. Chivanhu chavakaita hatichizivi . . . Ngavauye vabvise dombo ravo,” vanodaro VaMufaro.

Murume uyu, uyo anogara nemhuri yake mumusha weHighfield, muHarare, anoti anoshora zvikuru vashandi vekanzuru yeHarare vekumakuva aya, achiti havana kuita basa ravo nemazvo.

“Kune nyaya dzakadai dzekupesaniswa kwemakuva dzatinonzwa, kureva kuti pavashandi vekanzuru ava vanotaridza vanhu makuva, pane ari kurara pabasa nokuti panoiswa matombo, vashandi vekanzuru ava vanenge varipo,” vanodaro VaMufaro.

Mbuya Mabel Mufaro (74), vanova vamwene wemudzimai akashaika uyu, vanoti mwanasikana wavo ari mhiri kwemakungwa akashanya mumwedzi waKukadzi gore rakapera, 2025, ndokuenda kuMbudzi navo kuti vanoona makuva ariko, kusanganisira remuroora uyu nerababa vavo.

“Tasvika paguva remuroora uyu, takashamiswa kuona pakaiswa dombo rine zita remunhu watisingazivi. Takavhunduka, ndokuenda kumahofisi ekanzuru, ndokutorana navo.

“Vakazvionera voga mashura aya, vakativimbisa kuti vaizotsvaga kuti vakange vaisa dombo iri ndevekupi. Kusvikira nanhasi, takangomira takadaro; hatisati tavawana. Ivo vekanzuru vainge vavimbisa kutifonera asi havana kuzoita sokudaro,” vanodaro Mbuya Mufaro.

Vanoti shungu dzavo ndedzokuda kuziva mhuri yakaisa dombo paguva remuroora wavo kuti vauye kuzoribvisa.

Life Murumbi paguva raCathrine Murumbi.

“Izvozvi mwana akasiiwa nemuroora ari mucheche akura; anoda kuzoona guva raamai vake. Tinouya naye sei paguva rakaiswa dombo rine zita rakasiyana neraamai vake.

“Kukanganiswa kwechivanhu chaiko uku,” vanodaro Mbuya Mufaro.

Mutauriri wekanzuru yeHarare VaStanley Gama vanoti mhosho dzakadai dzinowanikwa uye dzinogadziriswa pasina dambudziko.

“Mhuri iyi yakaisirwa dombo paguva rehama yavo nevatorwa inofanira kuenda kumahofisi ekanzuru, kumuzinda wedu muHarare. Zvinogadzirika,” vanodaro VaGama.

Gogo Mamoyo, Mbuya Vimbai Karima (48), vekuZengeza 5, kuChitungwiza, vanoti kuisa dombo paguva revamwe vanhu pachivanhu imhosva huru uye zvinopa minyama.

“Munhu kana afa anoyera. Hazviiti kuti aisirwe dombo nevatorwa. Panotoda kufambwa nemhuri iyi,” vanodaro Mbuya Mamoyo.