KWAYEDZA

Madzimai otaura nezvenzendo dzavo mushure mekubatwa negomarara

Muchaneta Chimuka

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana svondo rapera rakaita chirongwa chekuzivisa voruzhinji nezvegomarara rezamu, uye chiitiko ichi chakapindwa nevakambobatwa nechirwere ichi vakapora nevamwe vachiri murwendo rwekunaya.

Pakugovewa kwemashoko echenjedzo aya, kumahofisi ebazi iri, muHarare, pfungwa huru yakabuda ndeyokuti kukurumidza kuvhenekwa nekurapwa ndiwo musimboti wekupedza chirwere ichi.

Vachitaura pachiitiko ichi, Dr Aspect Maunganidze, vanova munyori mukuru mubazi iri, vanoti ongororo ya2024 inoratidza kuti vanhu vanodarika 2 500 vari kubatwa negomarara rezamu gore roga roga, uye Hurumende yakatenga michina inovheneka denda iri pamwe nekudzidzisa varapi, chinangwa chiri chokuti dambudziko iri rireruke.

“Tine chirongwa cheNational Cancer Prevention and Control Strategy 2026-2030, icho chine zvinangwa zvekuderedza ndufu dzevanhu dziri kukonzerwa nezvirwere zvegomarara. Hurumende iri kuita mabasa makukutu ekuona kuti michina yekuvheneka gomarara yaiswa muzvipatara zvose munyika nechinangwa chekuderedza nyaya dzekufamba kuri kuita vanhu nzendo ndefu kuti vawane rubatsiro,” vanodaro.

Dr Maunganidze vanosimbaradza nyaya yekukurumidza kuvhenekwa, vachiti yakakosha sezvo kurapwa kunobva kwatanga nguva ichiripo.

“Mukapinda muvanhu munogona kunzwa nhoroondo dzakawanda; vamwe vane chirwere chegomarara vakambotenderedzwa mumaporofita nedzin’anga, vakazogumisira vadzokera kuchipatara vasisarapiki,” vanodaro.

Mwedzi waGumiguru unokosheswa mukurwisa chirwere chegomarara rezamu.

Gore rino, chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindia rinoti: “Kukurumidza kuvhenekwa kunochengetedza upenyu”.

Mufundisi wekereke yeApostolic Faith Mission in Zimbabwe, Mai Deogratias Kaunye (38), vanoti vakavhenekwa chirwere ichi mugore ra2022, vakavhiiwa zamu ravo rokurudyi.

“Kuongororwa gomarara pamwe nekurapwa ibasa guru, uye zvinodhura zvikuru. Ndinorangarira tichibhadhara mari inodarika US$1 600 pamwedzi yekutenga mishonga chete, uye takatozotengesa imwe sitendi yedu kuGweru kuti tiwane mari yekurapwa. Kutaura chokwadi, hazvisi nyore. Ndinotenda murume wangu nehama vakatsigira uye sisi vangu vari kunze kwenyika, vanova murapi,” vanodaro.

Vanoti zvinorema kuti munhu wemunhukadzi arasikirwe nezamu asi vakafara kuti rakabviswa nechikonzero chokuti vapone.

“Mishonga yekurapwa inodhura zvokuti taibvisa mari inodarika US$1 600 pamwedzi kuti ndirapwe uye mimwe mishonga ndichiri kungonwa. Mishonga iyi ndeyekudzikisa mahomoni anokonzera kunyuka kwegomarara. Ini ndakazorapwa gomarara iri ratove padanho rechipiri,” vanodaro.

Mai Naume Kaereka, avo vakabatwa nechirwere chegomarara makore makumi maviri apfuura, vanotaura nyaya yavo.

“Zamu rangu rakatanga kubuda ropa mugore ra2016 asi bundu pakanga pasina. Ndakaenda kwachiremba, ndikanovhenekwa, ndokuonekwa ndiine utachiwana. Ndakafara kuti chiremba akati raikwanisa kurapwa sezvo rainge risati rapararira kune mamwe macell emuviri. Zamu rangu rakabviswa, uye handichina gomarara,” vanodaro.

Zvisinei, vakachema-chema nekudhura kuri kuita mishonga yekurapwa nayo uye kushomeka kwemichina nezvipatara zvinorapa gomarara munyika.

Mai Naume Kaereka, avo vakabatwa negomarara rezamu makore makumi matatu nemana apfuura, vanoti rwendo rwavo rwekurapwa rwakange rwuri rurefu, asi vakaita rombo rakanaka rokuti vakarapwa nekukasika, zvipatara zvichine mishonga nevarapi vakawanda mumakore iwayo.

“Ndakabatwa gomarara ndiine makore 20. Ndainge ndine mwana mumwe chete panguva iyi, asi ndakaita rombo rakanaka rokuti ndakazowana mushonga kuParirenyatwa Group of Hospitals nenguva. Pamazuva iwayo, chirwere ichi chainyanya kubata vachena. Ini ndaiva mumwe wevanhu vatema vashoma vakaonekwa vachitsvaka rubatsiro rwekurapwa. Zvinogona kunge zvaikonzerwa nokuti vazhinji vainge vasati vave neruzivo rwakanyanya maererano nechirwere ichi, saka vaienda kudzin’anga nevaporofita, uko vaizoguma vafa pasina kuvhenekwa,” vanodaro.

Mai Kaereka vanoti vakashanyira chipatara ichi mushure mekuona bundu pazamu ravo. Vanofara kuti parizvino havachina gomarara nokuda kwokuti vakakurumidza kurapwa; vachiri padanho rokutanga rechirwere ichi.

“Izvozvi ndine vana vatatu, saka ndinokurudzira voruzhinji kuti munokwanisa kubara vana vakawanda zvamunoda mushure mekuongororwa gomarara. Chakakosha kuvhenekwa nekurapwa uye zvinorerutsa ndangariro nokuti unenge wave kuziva kuti wapora. Zvinoda kutevedza mararamiro akanaka akadai sekuita mitambo inosimbisa muviri nekudya chikafu chepasichigare chakaita semhunga, zviyo nemifushwa,” vanodaro.

Amai Regnice Gutsa vanoti vakabatwa negomarara rezamu makore 20 adarika asi vaiva padanho rokutanga rechirwere ichi, vachibva vabviswa zamu, ndokurapwa. Vanotizve nanhasi vachiri kurapwa nokuti gomarara rinogona kuzodzoka nekufamba kwenguva

Vazhinji vaive pachiitiko ichi vainge vakapfeka hanzu dzepink uye vaine maribhoni eruvara urwu semucherechedzo wekukoshesa mwedzi wekurwisa gomarara rezamu.