Muchaneta Chimuka
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoyambira vanofamba netsoka kuti vachange vachisungwa vakatyora mitemo yemumigwagwa, zvikuru pavanoyambuka vachishandisa nzvimbo dzisina kukodzera.
Izvi zvakaziviswa svondo rino nemutauriri wemapurisa munyika Commissioner Paul Nyathi pamusangano wekudzidzisa vatori venhau maringe nezvekuchengetedzeka mumigwagwa, uyo waikotsverwa neTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ).
“Mapurisa haasi kuzoregedza kusunga vapari vemhosva, kusanganisira vanofamba netsoka, nokuti ndovamwe vari kukonzera tsaona apo vanoyambuka nepasina kukodzera. Donzvo redu nderokuti mumigwagwa munge makarongeka, tichivavarira kurwisa tsaona. Tine nyaya dzakawanda dzevanhu vari kutsikwa nedzimotokari nokuda kwekusatevedza mitemo yemumigwagwa,” vanodaro.
Vanoti chikamu che94 percent chetsaona dzemumigwagwa chiri kukonzerwa nevanhu vari kushaya hanyn’a nekutevedza mitemo.
“Kushaya hanyn’a uku kunosanganisira kutyaira wakadhakwa, kuramba uchityaira motokari dzisina zvakakwana kana kuti dzakafa, kumhanyisa motokari zvakapfurikidza mwero, kutyaira munhu achitaura panhare uye paine ruzha rwevanhu kana redhiyo mumotokari, kupfuura dzimwe motokari zvisina uchenjeri, kusatevedza mitemo yemumigwagwa uye kutyaira wakaneta,” vanodaro.
Vanowedzera vachiti kune dzimwe tsaona dzinogona kukonzerwa nemamiriro akaita nzvimbo, sokuti mugwagwa unenge uine makomba, kana kuti mamiriro okunze anenge akashata, sokuti kuri kunaya zvikuru.
“Ukaona kusingafambiki apo kunenge kuchinaya, tsvaka pakanaka pekumira, wozopfuurira mberi nerwendo rwako kana zvichinge zvanaka,” vanodaro.
Zvichakadaro, Comm Nyathi vanotaura nezvekushandiswa kwemakamera emumigwagwa, pasi pechirongwa cheSmart Traffic Management System, ayo anozotumira mashoko kumakombiyuta, vachiti vamwe vanofunga kuti ndezvedambe asi vanozodzidza kana vachinge vave kufonerwa, vachiratidzwa mavhidhiyo anoratidza zvose, kusanganisira panzvimbo paparirwa mhosva nenguva dzacho.
“Tine nzvimbo 20 dzatakaisa michina iyi inobatsirana nemapurisa mukuronda vapari vemhosva. Tine nzvimbo inodaidzwa kuti command centre inosvikira zvose zviri kuitika mumigwagwa, saka vapari vemhosva vanotobatwa chete, vachibhadhariswa faindi kana kuendeswa kumatare edzimhosva. Tiri kushanda nekambani yeTelOne mubasa iri.
“Tinokurudzira zvakare vaye vanotengesa motokari kuti vakurumidze kushandura mazita nevavanenge vatengesarana navo nokuti motokari ikapariswa mhosva ndiwe unoramba uchifonerwa, zvichinzi ndiwe muridzi. Nokudaro, mhosva dzose dzinoparwa nemunhu wawakatengesera mota tinoti ndedzako.
“Iri ndiro rimwe dambudziko ratiri kusangana naro, revanhu vasiri kushandura mazita mushure mekutengeserana motokari. Mumabhuku edu zita remunhu akatengesa motokari ndiro ratinenge tinaro. Kufamba nemotokari isina kushandurwa mazita kutyora mutemo wemumigwawa. Mushure memasvondo maviri ekutengeserana, munhu anofanirwa kunge akatoshandura zita,” vanodaro.
VaMunashe Munodawafa, vanova chamangwiza wesangano reTSCZ, vanoti zvakakosha kuti vatori venhau vange vachipa chenjedzo kune voruzhinji maringe nezvinofanira kutevedzwa.
“Tsaona dzemumigwagwa dzinodzorera shure zvinhu zvakawanda. Vana vanosara dzave nherera, voshaya anovaendesa kuzvikoro, vogumisira vambunyikidzwa. Ibasa renyu sevatori venhau kuita tevedzo yenyaya idzi uye kuyambira vanhu nezvemitemo yemumigwagwa,” vanodaro.
Zvakadaro, Pastor Charles Charamba nemudzimai wavo Olivia, vanova mabrand ambassador eTSCZ, vanokomekedza vatyairi kuti vachengetedze nekukoshesa upenyu.
Vakataura izvi vachiimba rumbo rwunoyambira voruzhinji kuti vasiyane zvachose nekutyaira dzimotokari kana vakadhakwa nokuti zvine njodzi.
“Tsaona dzinouraya vanhu, tsaona dzinoremadza vanhu uye dzinodhurira nyika nokuti panozodiwa mishonga yekurapa vanhu ivavo uye vamwe vanogumisira vasisakwanisi kuita mabasa avaiita kare ekuriritira mhuri nokuti vanenge vave mumawiricheya. Ndapota, ngatiedzei nepose patinogona kudzivirira tsaona dzemumigwagwa, tivavarire kuchengetedza upenyu,” vanodaro.