AMAI MUCHAFA RINHI: MWANA

Cassius Mushore
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa zvikuru apo mumwe mukadzi akati vana vake vanomushuvira rufu sezvo vachigara vachimubvunza kuti achafa rinhi.

Margaret Mahachi akaendesa mwana wake Kudzanai Mahachi kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

“Mwana wangu anogara achindituka nekuda kundirwisa pamba pangu. Izvi anozviitira kuti ini nevazukuru vangu tibve pamba apa nekuti anoti imba ndeyababa vake.

“Anouya pakati pehusiku achigogodza gonhi achibvunza zvinhu zvisina musoro achiti anoda gwaro rekuberekwa kwake asi masikati ose tinenge taswera tose pamba,” akadaro Margaret.

Akati achapedzisira abva zvake pamba apa nekuti Kudzanai anogara achibvunzana nevakoma vake kuti iye Margaret achafa rinhi.

“Ini ndichatobva zvangu pamusha apa ndiende nevazukuru vangu nekuti akangodhakwa bedzi anouya achiita ruzha pamba zvekuti tinototadza kurara zvakanaka uye kana achitaura nevakoma vake vanenge vachitondibvunza kuti ndichafa rinhi kuti vaone kuuya kuzogara pamba pangu,” akadaro.

Kudzanai akaudza dare kuti amai vake ndivo vanotomushungurudza.

“Amai vangu ndivo vanotondishungurudza, vakangoona hama dzababa dzasvika pamba vanotanga kungopopota zvekuti vanototsvaga mhosva vonomhan’ara kumapurisa. Vanotipomera kuti tinoda kuvadzinga pamba, hatina basa nemusha wavo isu vanonyepa.

‘‘Ndivo vanopopota kana zvavo zvakakwidza vachiunganirwa nevanhu kana vatanga kutituka,” akadaro.

Mutongi Babra Mateko akapa Margaret gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×