‘MURUME WANGU IMBAVHA’

Cassius Mushore
MUKADZI wekuoneswa ndondo nekubirwa mari nemurume wake akapotera kudare achiti akandiswa mapfumo pasi.

Otilia Muchenje akamhan’arira Jonathan Muchenje kuHarare Civil Court achiti ave kutogara akaviga chikwama chake nekutya kubirwa mari nemurume wake.

“Murume wangu anoti ndikangosiya pesi yangu pasi zvechinguva chidiki ndichipinda kana muchimbuzi chaimo, pandinodzoka ndinowana mazipi ose akavhurika zvekuti ndinozotsvagiridza ndoona kuti mari yandinenge ndasiya yabiwa.

“Ndakambosiya mari yekubhadhara imba nemagetsi muchikwama asi pasina chinguva mari yakanga yatobiwa. Ane katsika kekuti kana akaba mari anobva atiza uye handizivi kuti anoenda kupi, anozodzoka kana mari iya yapera.

“Ndatova nedambudziko nepekugara nekuti mari yekubhadhara imba handichisina izvo zvava kutotidzingisa nevaridzi vemba toshungurudzika ini nevana,” akadaro Otilia.

Akati murume wake anotengesa kana midziyo yemumba. “Ndatoona kuti zvekugara naye zvinonetsa saka ndava kutokumbira kuti dare rimudzinge pamba patinogara,” akadaro.

Jonathan haana kuramba mhosva dzose dzaaipomerwa asi akakumbira dare kuti risape mukadzi wake mvumo yekumudzinga pamba achiti haana kwekuenda.

Akaudza dare kuti: “Mukadzi wangu kana akandidzinga pamba ndinoona pfumvu yakaoma. Ini ndakadzingwa basa nekudaro handina kwekuenda kana achinge andidzinga.

“Ndinotovimba naye kuti ndiye anondichengeta sezvo ndisisina chandinoitawo changu. Basa rakapera changamire, saka ndinokumbira kuti mukadzi ngaasandidzinga pamba.” Mutongi Babra Mateko akapa Otilia gwaro redziviriro ndokuudza Jonathan kuti asabire mukadzi wake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×