Yvonne Chidochashe Manyanja
MUMWE musikana anoti amai vake vakamusunga kuburikidza nekumushandisira mushonga wekuti asaroorwe izvo zvave kuita kuti vagare vachipopotedzana nekunangana huroyi.
Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Margaret Machekecha akamhan’arira mwanasikana wake, Fatima Timoti, achiti ari kumupumha huroyi.
“Changamire, ndinoda kudzivirirwa kubva kumwana wangu uyu. Anoita sezvinonzi handisi amai vake, anonditi ndiri muroyi iye pamwe chete nehanzvadzi yake isina kukwanisa kuuya kuuya kuno kudare. “Vanonditi ndine zvinhu zvinorara pamubhedha wangu, izvi vanozviita mazuva ose hameno kuti huroyi hwangu hwatanga nhasi here. Ini ndakavakudza vana ava pamwe nekumuchengetera vana vake vana mushure mekunge amitiswa,” akadaro.
Machekecha akati haachadi kuona Timoti pamwe nehanzvadzi yake pamba pake.
“Kugara kwese kwaanoita anodya mumba mangu saka dai ndaida kumuroya handiti ndingadai ndakamuroya kare. Kana achiti ndinodya vanhu ndakamusiireyi achirarama? Chandiri kuda ruremekedzo saamai vakamubereka nekuti handingaswere ndichinetseka nemwana wekubereka,” akadaro Machekecha.
Timoti akaramba zvaitaurwa naamai vake achiti handizvo zvinokonzera kuti vagare vachinetsana.
“Zvataurwa hachizi chokwadi asi kuti amai vakanetsana nevaroora vavo vakabva varova mumwe muroora mukadzi wehanzvadzi yangu isina kuuya kudare. Saka ini ndakavabvunza kuti vakanga vachiitireyi zvinhu zvakadaro vakabva vati ndiri kutora divi revaroora, ndipo pakatangira nyaya yese.
“Zvimwe zvandaivatsiudza ndezvekuti vasapote vachiita zven’anga ivo pamwe nasisi vangu asi vanoti handinzwe, ndinoda kuteedzera zvandinonzwa kumapositori kunova kwandinonamatira,” akadaro.
Akati amai vake vanomutukirira vachiti ipfambi yemakoko.
“Ndinoda kuvaremekedza zvakanyanya saamai vangu asi ivo vanondituka vachiti ndiri hure asi mukavabvunza ipapa kuti kangani vanhu vachida kubvisa pfuma kumba asi amai vanoramba kundisunungura.
“Havadi kuti ndiroorwe zviri kuita kuti vana vangu vese vave vanogara pamba paamai vangu saka ndinovaremekedzerei pakadaro? Ndingadai ndakabva pamba pavo kare asi kuti havadi kundisunungura. Ndosvika pakuchembera ndisina murume here nekuda kwaamai vangu?” akadaro.
Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Machekecha.



