Janet Chikotosa
VAMWENE vekuoneswa pfumvu nemuroora ane marambadoro uyo anonzi anovarova nekuvatuka vakazokwira kumatare.
Nemia Zimidzi akamhan’arira muroora wake, Cyndrella Magwiza, kuHarare Civil Court achiti ari kuoneswa chitsvuku.
Zimidzi akaudza mutongi Babra Mateko kuti: “Muroora wangu uyu anotanga adhakwa kuti agoona kunditukirira nekundirova. Anotonwa doro pamberi pangu ndakatarisa.
“Mudzimai wemwana wangu uyu asi anditambisa nhova ini ndiri chembere kudai. Handizive kuti mwana wangu mhando yemukadzi wakadai akaiwana kupi. Makambomunzwa kupi changamire wangu, muroora anotuka vamwene kuti hure?
“Anoti ndinonyengera mwanakomana wangu shamwarikadzi dzakawanda.”
Akawedzera achiti muroora wake haana rukudzo naye zvachose.
“Chazondiunza kuno ndechekuti akambonwa poizeni pamba pangu akazoponera kuchipatara. Anoti anoda kunwa mushonga kuti agofa agozondimukira. Ndinokumbira dare kuti asanwire mushonga pamba pangu, haizi nzvimbo yekuzviuraira.
“Kana afunga kufa ngaanofira kure, ini handina chinondimukira handina mhosva naye. Mwana wangu akati haachatodawo nezvemukadzi uyu, aneta naye. Kana vana vedu ava vachiroora ngavarege kungoti chero wawasangana naye otofunga kuroora nekuti zvinozotinetsa isu sevabereki,” akadaro Zimidzi.
Magwiza akaudza dare achitoseka kuti atadza kugarisana navamwene vake kubvira pakutanga.
“Uyu Nemia ndakatadza kugarisana naye kubva pakutanga. Nemia kumba kwake handichasvike, ngaasasvikawo kwangu. Zvake zvekunyepedzera kuti ndauya kuzoona vazukuru ngaasiyane nazvo. Nemia wazvinzwa, usatsike kumba kwangu,” akadaro Magwiza. Mutongi Mateko akapa Zimidzi gwaro redziviriro ndokuti Magwiza anofanira kuremekedza vamwene vake uye kana pane zviri kunetsa vozvigadzirisa murunyararo.




