‘Amai muri mhondi’

 ‘Dai zvenyu makandiuraya ndichiri kasvava’

Tafadzwa Mutsotso

AMAI vakamisidzana nemwanakomana wavo mudare redzimhosva vachiti anogara achida kuvatema nedemo achivapomera kuti ndivo vakakonzera kuti akuvare mutsaona yemotokari mumugwagwa uye kuti aburitswe basa.Emilia Gwara akamhan’arira Abraham Gwara kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumutandanisa nedemo apo aiti anoda kumuita kanyama-kanyama.

“Mambo wangu, ndibatsireiwo ndatambudzika. Ndinokumbirawo mundipe gwaro redziviriro nekuti mukasadaro mwana wangu anondiuraya.

“Tinogara pamba pamwe chete saka zvave kutondikanganisa runyararo rwangu nekuti anogarogugudza pamusiwo pangu zvine ruzha akandibatira demo kana banga,” akadaro Emilia.

Emilia akaenderera mberi achiti mwana wake anomutukirira zvinyadzi asina kana hanya yekuti ndiye amai vake vakamutumbura.

“Mwana wangu haasisina rukudzo kwandiri. Anondishungurudza nemazwi aanotaura asina rukudzo asi ndiri ini ndakamutakura mudumbu rangu iri kwemwedzi mipfumbamwe.

“Anondituka pose paangonzwira kuda zvake kundiudziridza zvekuti chero ndiri mumba mangu ndichinamata anogona kungoti, ‘Riri kunamata chii? Haripinde denga zimuroyi’ zvinova zvinhu zvinondibata-bata,” akadaro Emilia.

Abraham akaudza dare kuti haashungurudze amai vake uye mashoko avaitaura yaingove nzira yekutsvaga kuda kumudzinga pamba mushure mekunge vaona kuti vatadza kumuuraya.“Amai vangu imhondi chaiyo. Dai vakanditsvikinya zvavo ndakafa ndiri kacheche pane kundionesa pfumvu kwavave kundiita uku.

“Vakandiitisa tsaona yemumugwagwa ndichiri kushanda kuBakers Inn ndikakuvara sezvandiri nhasi izvi. Kutaura kuno handisi kutoenda kubasa nekuti ndivo vakandikuvadzisa,” akadaro Abraham.

Akaenderera mberi achiti: “Ndivo vanotofamba vachiudza vanhu kuti vakakonzeresa tsaona yandakaita uye ndivo zvakare vakaita kuti ndidzingwe basa.”

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Emilia gwaro redziviriro ndokuti Abraham naamai vake vachengetedze runyararo pakati pavo nguva dzose.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *