Mabasa akaita tsaona

MUNYORI weKwayedza nemabhuku eShona ane mukurumbira, Ignatius Tirivangani Mabasa, akaita tsaona yemumugwagwa ndokukuvara ruwoko kuZaka nemusi weMuvhuro svondo rapera.Pari zvino Mabasa ari kurapwa pane chimwe chipatara chemuHarare uye anoti akapona mutsaona iyi nokuda kwenyasha dzaMwari.

“Ndinotenda Mwari kuti ndakapona mutsaona yandakasangana nayo,” anodaro.Mabasa anoti ari kunzwa zviri nani.
Mubepanhau reKwayedza, Mabasa anonyora zvikamu zvinosanganisira Imbwa Haihukure Sadza.

Mabasa akahwinha mibairo yakawanda yekunyora mabhuku anosanganisira Mapenzi, Tipeiwo Dariro naMuchinokoro.
Mamwe emabhuku ake ndeanoti Ndafa Here?, Imbwa Yemunhu netumwe tunyaya tupfupi twakanyorwa nechiRungu.

Vatereri venhepfenyuro yeStar FM vanoziva Mabasa achiita ngano dzinodakadza.

Mugore ra2012, Mabasa akavhura kambani yake yekudhinda mabhuku, yeBhabhu Books.
Mabasa mumwe wevanyori vekutanga kuburitsa mabhuku ekuverenga padandemutande (e-book).

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *