Amai, mwana (14) vatsvira mumba

Patrick Chitumba

MUDZIMAI ane makore makumi matatu nematatu ekuberekwa nemwanasikana wake ane makore gumi nemana vakatsva kusvika pakufa mushure mekunge imba yavaiva vakarara mairi yaparadzwa nemoto kuShurugwi mambakwedza emusi weMuvhuro.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mapurisa ari kuferefeta zvakaitika panyaya yekufa kwevanhu vaviri kuVillage 5, munharaunda yeDombojena, musi wa4 Nyamavhuvhu 2026 mambakwedza,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoti vakafa ava ndiOnismo Ncube nemwanasikana wake, Thabolihle Dube.

“Zvinonzi munguva dzemambakwedza, VaAdmire Mabveku (45), vekuUmcima 49 Mine kuShurugwi, vakanzwa kuchema kuchibva pamba apa, apo vaiva pedyo. Vakamhanyira pamba apa ndokuona dzimba mbiri dzakapfirirwa nehuswa dzichitsva,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoti VaMabveku vakazivisa vamwe vagari, avo vakaedza kudzima moto uyu.

Zvisinei, havana kukwanisa kudzima moto wacho sezvo matenga edzimba akanga atodonhera mukati uye dzimba dzacho dzese dzakanga dzakaputirwa nemurazvo wemoto.

“Mapurisa akazoenda kunzvimbo iyi ndokuwana dzimba dzacho dzese dzatsva kusvika kuita madota. Zvitunha zvevanhu vaviri ava zvakabuditswa mumoto wacho,” vanodaro.

Insp Mahoko vanokumbira veruzhinji vane ruzivo nechakakonzera moto uyu kuti vataurire mapurisa epakamba yeZRP Shurugwi kana kuti ari padyo navo.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×