Amai vakasiya mwana (2) kumutorwa ndokunyangarika

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 30 okuberekwa anogara kuDonbrook kuChizhanje kuMabvuku, muHarare anoti atambura nekutsvaga amai vemwanasikana waakasiirwa ari chindumurwa mugore ra2023 apo vaishanda vose kumugodhi weJumbo Mine kuMazowe.

Amai vemwana uyu vanonzi vakaenda kubasa uko vasina kuzodzoka kana kuwanikwa kusvika nanhasi uno.

Mai Shylet Jambi Mabhurugwa Mupereki vanoti vaishanda kuMazowe uko vakasangana nemudzimai uyo vaingoziva achinzi Lydia.

Vanoti Lydia akazovasiira mwana wake uyo aiva nemakore maviri okuberekwa panguva achiti aienda kubasa uko asina kuzodzoka.

“Nemudzimai uyu, aingonzi Lydia, takatanga kuwirirana zvikuru kusvikira takabvumirana kuti aisye mwana wake kumba kwangu. Haana kuzodzoka kubasa kwake kwaaienda uko aigeza ivhu regoridhe. Ndakaedza kutsvaga mudzimai uyu apo ndakazoenda kumapurisa eZRP Mazowe vakanditi ndichengete mwana uyu kusvikira ndakazouya kuno kuHarare nemwana uyu,” vanodaro Mai Mupereki.

Vanoti Lydia nekufamba kwenguva akazotuma mumwe mudzimai nemari achiti aizodzoka kuzotora mwana wake izvo asina kuzoita.

“Ndava kuno kuHarare, ndakaenda zvakare kumapurisa eZRP kuMabvuku vakandibvunza kuti mwana uyu ane dambudziko raaiva naro here, ndivakavati paisava nedambudziko asi ndaingoda kuti ndipihwe matsamba ekuti ndikwanise kumutorera magwaro ekuzvarwa izvo vakanditi ndinogara nemwana uyu,” vanodaro Mai Mupereki.

Vanoti mukutsvaga kwavo amai vemwana uyu, vakasvikawo kumapurisa eZRP Bindura uko vakangotaurirwa zvimwechete kuti vachengete mwana uyu.

“Ndichifamba kutsvaga amai vemwana uyu, ndakambosanganawo nemumwe mudzimai akanditaurira kuti akamboonana naamai vemwana uyu vachinzi vaitaura kuti vaitsvaga mudzimai akavabira mwana kureva inini. Ndikazoedza kumutsvaga ndikamushaya, mwana uyu akaberekwa nemusi wa21 Gunyana mugore ra2021 uyo asvitsa makore mashanu ekuberekwa,” vanodaro Mai Mupereki.

Vanoti murwendo rwavo rwekutsvaga amai vemwana uyu, vakazokanda nyaya iyi mumadandemutande akasiyana, vakawana mumwe munhu akavapindura kuti aiziva kwaiva naLydia achiti akaenda kumusha kwake kuChipinge kunyaradzo yaamai vake.

“Ndaisa nyaya iyi mumadandemutande akasiyana, ndakazotaurirwa nemumwe mudzimai kuti aiziva amai vemwana uyu avo anoti vane mumwe mwana wavo mukuru wavakambosiyawo akachengetwa neimwe mhuri kuGlen View achinzi aisava nemagwaro ekuzvarwa apo akanga ava kuda kunyora mazamanishoni eGrade 7,” vanodaro Mai Mupereki.

Vanoti nyaya yekusiirwa kwavo mwana uyu nemudzimai anova mutorwa,  havana kumboita kuti izivikanwe nehama dzavo kana kuti dzemurume sezvo vanongomutora semwana wavo chaiye.

“Ndasiirwa mwana uyu, baba vakazvitambira vakandikurudzira nekundisimbisa kuti tichengete mwana uyu kusvika akura kana kuti panowanikwa amai vake. Tinomuchengeta semwana wedu, vabereki vaanoziva ndini nemurume wangu saka atova mwana wedu wechitanhatu sezvo tiine vana vashanu kare. Tinomuendesa kukireshi uko tinobhadhara US$25 pamwedzi kunyange asina gwaro rekuzvarwa,” vanodaro Mai Mupereki.

Vanoti kunze kwemwana uyu, vane vavo vana vashanu vanoti ari kuita Form 2, weGrade 5, Grade 2, wemakore mashanu, neane gore rimwechete rekuberekwa.

“Mwana uyu atova mumwe wemhuri yangu, ndinomuda iyewo anondida. Haazive amai vake kana baba vake uye amai vacho vakazowanikwa vanouya vachimuona ndichimuchengeta kana vachiremerwa nekumurera,” vanodaro Mai Mupereki.

Vanoti chavanoda kuonana naLydia votaurirana kuitira mangwana.    Kwayedza yakazoridzira nhare mumwe mudzimai anozviti anogara kuBudiriro uyo anoti anozivana naLydia achiti akaenda kuChipinge kunyaradzo yaamai vake.

“Ndakaona nyaya yemudzimai ari kutsvaga amai vemwana uyu ndikamuzivisa kuti ndinoziva mudzimai uyu akamboshanda kumba kwedu ndiye akandichengeta ari neni kumba kwedu. Izvozvi vakaenda kunyaradzo yaamai vavo kuChipinge vari kudzoka, munouya kuno ndokuratidzai panogara hama dzaamai ava,” anodaro mudzimai uyu.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×