CHITSAUKO 2 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Murume wavo akabva abva pamba apa ndokuvasiira imba nemwanasikana mumwe chete uyo vainge vaita, Lydia sezita ratete ava, vakatanga zvekutengesa doro pamba apa pakabva paita shabhini ine mukurumbira apo paitengeswa doro remumabhodhoro chete, pachiuya shoroma dzevarume. Avo vaida vakadzi vekufara navo vaivawana, pekurara navo pachivepo munhu aibhadhara madhora matatu.
Zita rokuti Fadza ndiro rinopfumbira zvokuti rokuti Lydia harizonyanya kubudirira. Pamba apa paiuya motokari dzerudzi rupi zvaro, mapurisa achinge atoneta nekusunga amai ava, avo vakazoita hushamwari nemamwe mapurisa ayo aivanyeurira kana pane mapurisa aizoda kuzovabata iye ofanopfiga musiwo kwava kutiza. Mudzimai uyu kunyange zvazvo makirisimasi ainge ati wandei, mvura nemafuta anonhuwirira aiziwa kutamba nazvo.
Ivo varume vaya vaidyira vaizunzwa semazhanje vakasvinura sematemba. Panosvika amai vaSarudzai vanosvikowana pamba apa pasingaitiki, varume vari kuhushevedzera iye Fadza ari mubasa rekuhwetera makasitoma ake. Vanokwazisana, Fadza ndokudzokera kubasa rake zvokuti amai vaSarudzai vanoshaya mukana wokutaura naye. Panozopera hwahwa ndipo apo Fadza anotaurira vanwi kuti hwapera, vanhu ndokuzoparara voenda.
Mai Sarudzai, vanoona hazvichaita kuti vadzoke kumba sezvo nguva dzainge dzaenda. Pane mumwe murume uyo akanyura musutu nhema, uyo anowirirana naFadza anoziviswa kuna mai Sarudzai.
Irene mwanasikana waFadza anosvika achiratidza kusava nehanya nezvinotaurwa naamai vake. Pavanopedza kudya Fadza anogeza kwava kunyura mumujivha waimubata chaizvo ndokubva ati achamboperekedza murume uya asi kana achida, vaigona kuenda vose vana vachisara naIrene.
Roddy murume uya anoti vopfuura vachitora shamwari yake Robby pahotera inonzi Queens.
Robby ari kunwa doro nepfambi yake. Roddy ndokumuti asiyane nayo sezvo ainge amuigira “chiwawa” asi ari mukadzi wemunhu. Pfambi iya inonyeperwa kuti mudzimai waRobby ainge ari panze amutevera. Vanopinda mumotokari maRoddy, vachiti Fadza naRoddy mberi, Robby naamai Sarudzai mumashure, kwava kuenda pane kamwe kahotera umo Roddy naFadza vaida kumborova maviri maviri vasati vaenda kubhaisikopo.
Muhotera umu zvinomboti netsei amai vaSarudzai sezvo vainge vasina kuzvijaira, vanhu ndokuzobuda kuenda kubhaisikopo. Ko pane chinomboonekwa here naRoddy naFadza avo vanosvikoridza ngonono vakatsamirana? Mai Sarudzai chete ndivo vanokwanisa kuriona sezvo vainge vasina kunwa hwahwa.
Bhaisikopo apo rinopera vanhu vanonanga kumba Robby achiti aive achienda kumba kwake kuSoutherton, Roddy naFadza ndokusvikokiyirana mumba yokurara, mai Sarudzai ndokunorara naIrene asi hope dzinomboti netsei sezvo pane zvaivanetsa.
Rava ramangwana vapedza kudya kwemangwanani, Fadza naamai Sarudzai vanonogara patsangadzi, Irene achitora vana kuenda navo kuLuna Park yaive pedyo. Vanotanga kukurukurirana Fadza ndokupa mai Sarudzai mazano matatu ekuti::
(i) Aisewo mari padivi zuva rega rega.
(ii) Avhurewo bhuku rake rokubhanga.
(iii) Kana zvichibvira ngaavakise imba yake kuruzevha kana kutengera baba mombe.
Panozopinda nyaya yaRobby, Fadza obva azviona kuti nyaya dzatonaka kare nekuti mai Sarudzai vainge vati kana Mugadzi akaramba achiita musara wake aizofunga zvaizomubatsira. Mai Sarudzai mazwi ataurwa naFadza avapinda chokwadi.
(Enderero mberi svondo rinouya.)




