Murume oti ‘Mwana haazi wangu’

Kudakwashe Chinokuya
MUKADZI nemurume vakakandirana mashoko makobvu nematate mudare pamusoro penyaya yemendenenzi murume achiti haabvisi mari yekuchengeta mwana asiri wake apo aipomera mudzimai uyu kuita zvechipfambi.

Wendy Gomonda akaendesa Gift Chenetse kuHarare Civil Court achiti anoda mari yekuchengeta mwana wavo.

“Ndauya kuno kudare nenyaya yemwana wandakaita nababa ava uyo anoda kuriritirwa. Baba ava vanonditi mwana watakaita tose haasi wavo vachindipomera kudanana nevarume vakawanda. Chokwadi ndechekuti mwana ndewake uye anofanira kumuriritira. “Nyaya yekuti mwana haasi wake yakatombonetsa kumusha akamiswa pamberi pedare remusha akabvuma kuti akandiitisa mwana akanzi nevabereki vangu abvise mari yekuripa kundimitisa kwaakaita. Ndiri kuda $100 yekuti ndikwanise kuriritira mwana nekumutengera zvipfeko,” akadaro Gomonda.

Chenetse akapikisana nezvaitaurwa naGomonda achiti mwana uyu haasi wake.

Akati: “Mwana haasi wangu nekuti mukadzi uyu aipinda nevarume vakawanda tisati tawanana. Chimwe ndechekuti gore raari kuti akazvara mwana uyu muna1999 takanga tarambana uye kubva patakarambana kusvika nanhasi hatina kuzombobvira tasangana zvakare.

“Izvi zvinoratidza kuti ari kuda kundichengetesa mwana asiri wangu nekuti pamwe haachanyatsoziva baba vemwana chaivo.

‘‘Handikwanisi kuriritira mwana uyu nekuti kubva patakaparadzana kusvika nhasi handizivi kuti aiita nezvei.”

Akati mari yaainzi abvise yemendenenzi haaikwanisi sezvo aine zvikwereti zvakawanda. Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Chenetse abhadhare $65 pamwedzi akamirira kuitwa ongororo yekuona kuti mwana uyu haazi wake zvedi here.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *