Ambuya muri pfambi: Mukuwasha

Danisa Masuku

MURUME anogara mumusha weNkulumane, kuBulawayo, uyo wekugara achitukirira ambuya vake – amai vemudzimai – kuti ipfambi yemakoko uye kuti ndivo vari kufurira mukadzi wake kuti aite zvehunzenza akazodhonzerwa kumatare edzimhosva.

 

Devine Sibanda pose paanodhakwa anonzi anoenda kumba kwaambuya vake, Gloria Moyo, osvikovatukidzira achivapomera kuti ndivo vari kutadzisa kuti agare zvakanaka nemudzimai wake.

Sibanda anonzi anotuka ambuya vake pajekerere pane vavakidzani vavo zvinoita kuti vashaye pekupinda nenyadzi.

Moyo akaudza dare kuti ari kukumbira gwaro rerunyararo kubva kumukuwasha wake.

“Ndiri kukumbirawo gwaro rerunyararo kubva kumukuwasha wangu, Devine Sibanda. Nguva zhinji kana adhakwa anouya kumba kwangu otanga kunditukirira achiti ndini ndakafurira mudzimai wake kuti amusiye uye achiti zvakare wanano yavo yave pedyo nekuparara.

“Ndinogara ndichimuudza kuti handina zvandinoita zviri kukonzera kuti vanetsane muwanano yavo,” anodaro Moyo.

Anoenderera mberi achiti, “Anoshevedzera nezwi riri pamusoro achiti ndiri pfambi achindinyadzisa pamberi pevavakidzani vangu. Anondishungurudza pose paanodhakwa. Saka ndiri kukumbira gwaro rerunyararo kubva kwaari kuitira kuti arege kuuya kumba kwangu achindituka.”

Sibanda anoramba kuti ari kushungurudza ambuya vake.

“Handisati ndambovatuka ini, ndakangoenda chete kumba kwavo ndichida kubvunza kuti sei mudzimai wangu aive andisiya achinogara naambuya vangu,” anodaro.

Mutongi Jeconia Prince Ncube akapa Moyo gwaro redziviriro uye ndokuti Sibanda haatenderwe kuonekwa zvachose achisvika pamba paambuya vake kana kuvatuka.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×