Ammara orumbidzwa

Munyori weKwayedza
KAMBANI yeMultiChoice Zimbabwe yorumbidza vaimbi vane mukurumbira munyika muno nekunze — avo vanosanganisira Ammara Brown — nebasa guru ravari kuita rekubatsira vanhu vakawirwa nemafashamu emvura yaive nedutumupengo  kumatunhu anosanganisira Manicaland neMasvingo.

Mukushi wemashoko kukambani iyi — Muzvare Liz Dziva — vanoti vanonzwa kusimudzirwa zvikuru nezviri kuitwa nevaimbi vakaita saAmmara.

Muimbi uyu ari kubatsira vakawirwa nenjodzi iyi uye nekukurudzira zvizvarwa zvemuZimbabwe nevamwe vane tsiye nyoro kuti vayamure vanhu vakasangana nedambudziko remafashamu nekuvapa zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira magumbeze, nhumbi dzekupfeka nezvekudya.

“Ammara ari kuita zvose zvaanokwanisa mukubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai uye nekukurudzira vamwe kuti vange vachibatsirawo,” vanodaro Muzvare Dziva.

Vanoti hupenyu hwaAmmara hwasanduka zvikuru kubva apo akatanga kuita mukurumbira makore 11 adarika kuburikidza nechirongwa chinobuda paDstv chinonzi Idols Africa.

Muzvare Dziva vanoti kusimukira kwaAmmara munyaya dzekuimba huchapupu hwebasa guru riri kuitwa neMultiChoice Zimbabwe mukuzvipira kwayo mukuvandudza hupenyu hwevaimbi vemunyika muno.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *