‘Andifemesa, apa takarambana’

Tatenda Shuro
MURUME wemuHarare akaendesa aimbove shamwarikadzi yake kumatare edzimhosva achiti ari kumunetsa nekuenda achinopopota kumba kwake pamusoro penyaya yechikwereti chemari iyo vakapanana vachiri kudanana.

Jonathan Chasora akamhan’arira Memory Musosonora kuHarare Civil Court.

“Uyu aimbove shamwarikadzi yangu, asi ndinokumbira runyararo nekuti anouya kumba achipopota ini ndisipo. Ndoda kuti amiswe kuuya kumba kwangu nokuti andishaisa rugare,” anodaro.

Chasora anoti ave kushaya chimiro munzvimbo yaanogara nekuda kwekugaropopota kunoitwa naMusosonora.

“Ave kundityisidzira zvokutoti ndave kurarama ndichingotya. Akauya mazuva maviri achipengera mari yake zvekutoti vemumaraini vanokwanisa kundipupurira.

“Ndakanomhan’ara kumapurisa asi vakanditi ndiuye kuno kumatare,” anodaro Chasora.

Achipawo divi rake, Musosonora anoti ane dambudziko nechikumbiro chaChasora.

“Ndinopokana nechikumbiro chake nokuti ane chikwereti changu chemari nezvinhu zvangu. Saka akatora gwaro redziviriro raari kuda haazopedze kundipa zvinhu nemari yangu,” anodaro. Anoenderera mberi: “Ndinokumbira dare mundipewo mvumo yekuti andipe zvinhu zvangu. Pakutyisidzira paari kutaura, anoreva nhema nokuti ndinotyisidzira chii hangu? Ukaona munhu anoda kuuya kuzotora gwaro rerunyararo aine chikwereti chemunhu itsotsi chairo.”

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chasora gwaro rerunyararo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *