Zvikomba 15: Unoti uri kuitei?

SVONDO rino tine imwe nyaya iyo inokahadzisa zvikuru, nyaya yemukadzi ane makore 21 ekuberekwa uyo anoti ari kudanana nevarume vanosvika 15 panguva imwe chete.

Kunze kwevarume 15 avo ari murudo navo, anotizve kune vamwe 20 vari kumupfimba.

Chinoshamisa pamukadzi akambenge akaroorwa uyu ndechekuti anoti haazi pfambi, haanwe doro kana zvimwe zvinodhaka.

Mukadzi uyu ari kuita kuimba chaiko pasina kana nyadzi zvisinei nekuti hwaari kuita hunzenza.

Hongu, sekutaura kwemudzimai uyu anoti zvaari kuita rinogona kunge riri shavi renjuzu iro riri kukonzera kuti varume vamutevere.

Asi dzimwe nyanzvi dzechivanhu dzinoti shavi renjuzu haridi zvetsvina zvakadai, sekuti munhukadzi anodanana nevarume vanosvika 15 panguva imwe chete.

Izvi zvinobva zvaunza mubvunzo wekuti ishavi renjuzu hwai riri pamukadzi uyu?

Pakati pezvikomba zvake 15, mumwe wacho mwana wechikoro uyo waari kutokanganisa remangwana rake nekuda kwekudanana naye kwaari kuita.

Kunyangwe zvake achiti haasati amboshinha nechikomba chake chichiri kuenda kuchikoro ichi, hapana anoziva chokwadi.

Mwana wechikoro uyu ari panjodzi yekutapurirwa zvirwere zvepabonde nekuda kwekuti ari mudandemutande rezvikomba zvinodanana nemukadzi uyu.

Zviri pachena kuti mukadzi uyu munhu ari kunyatsoziva zvaari kuita sezvo achiti zvimwe zvezvikomba zvake anongozvidira mari yazvo bedzi, iyo anozodya nezvimwe zvikomba zvake.

Anotiwo anodzima foni yake kana aine mumwe wezvikomba zvake kuitira kuti zvisazivane uye kuti munhare yake anonyora mazita ekunyepa ezvikomba izvi.

Chokwadi chiripo ndechekuti mukadzi wechidiki uyu inzenza inoda mari zvakadarikidza.

Anoti akasvika pakutiza murume nemwana asi nekufamba kwenguva murume iyeyu achamudemba.

Tinodaro nekuti zviri kuitwa nemukadzi uyu zvekudanana nevarume vakawanda kudaro panguva imwe chete hazvina kumbosiyana nemunhu ari kuchera nyoka nemuromo.

Mangwana achamuka ozvidemba.

Munhu chaiye ane pfungwa dzakati kwesere angadanane nevarume 15 uye vamwe 20 vachitsvaga rudo kwaari?

Ndiye akanyanyoita sei?

Inga nyika izere nevamwe vakadzi wani!

Chiripo ndechekuti varume vanoona kuti kwaari kumateru iye ofunga kuti vari kumuda, asi vachingoda kumushandisa chete, vozomusiya asakara.

Kunze kwenjodzi yekutapurirana zvirwere zvepabonde, hunhu huri kuitwa nemukadzi uyu hauna kumbosiyana nekuzvisikira moto muziso nekuti anogona kupondwa nezvikomba izvi kana zvikazviziva kuti zviri mudandemutande rakadai.

Vamwe vechidiki vanodzidzei kubva pahunhu hwakafumuka kudai?

Maitiro akadai anotukisa rudzi kusvikira kune wekupedzisira. Kana achinzwa, mukadzi uyu ngaarege tsika yake iyi kwete kutozvitunhidza sezvinonzi ari kuita zvakanaka.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×