‘Ane marambadoro’

Tatenda Shuro

MUMWE mudzimai anoti ashaya zano rekuita nemwanakomana wake uyo ane marambadoro zvekuti anogara achiti anoda kuuraya vanin’ina achivabaya nebanga.

Merenzia Pindeni akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Ernest Kanembera achiti ari kumushaisa rugare.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Pindeni gwaro redziviriro.

“Mambo wangu, uyu mwanakomana wangu asi ngaadzingwe hake pamba nekuti andishungurudza zvikuru.

“Anouya akadhakwa pakati pohusiku oti anoda kuuraya vanun’una vake nebanga,” anodaro Pindeni.

Anoti zvakare Kanembera ane katsika kekumubira zvinhu zvake.

“Mwana uyu anondibira zvinhu zvangu. Ndakamhan’ara akasungwa tikatomboenda kuMbare Court tikanzi tizodzoke asi haana kuuya,” anodaro.

Kanembera haana kuenda kudare kuti azopawo divi rake.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×