‘Anoda kundibvisa ziso’

Arnold Kaseke
NYAYA yekurwira munda pakati pevamwe varume vaviri yakazosvitswa kumatare apo mumwe wavo anonzi akange avimbiswa kubviswa ziso.
Munehasha Moyo akaendesa Dennis Maseko kuHarare Civil Court zvichitevera kunetsana uku.

“Murume uyu nevana vake vave kutondishaisa mufaro, kungava kumba kana mumigwagwa chaimo.

“Vana vake vanogaromukira kumba kwangu ini ndisati ndatombomuka vondigarira pachimbuzi. Vanotevera kutuckshop kwangu uko vanondituka zvinonyadzisira.

“Ndiye anotuma vana vake. Akandivimbisa kuti anoda kunditumbura ziso rangu uye vana vake vanouya kumba kwangu vakadhakwa votanga kukanda matombo pamusoro pemba. Pavakaona kuti nyaya ndaisvitsa kumatare, ndipo pavakatomboti nyararei,” akadaro Moyo.

Maseko akaramba zvaitaurwa naMoyo achiti:
“Munehasha ndiye atori ndururani kwete ini. Akauya netirakita yake ndokurima mumunda mangu.

“Ndakamubvunza asi hatina kuwirirana ndikazoendesa nyaya iyi kumapurisa.

“Izvi zvaari kutaura zvesiso rake ndezvekunyeba. Kubviswa ziso kana kusabviswa agara angori bofu uyu!

Akatadza nei kuona kuti ari kurima mumunda musiri make? Mapurisa akamuti abvise manyowa ake aakanga aisa.”

Mutongi Barbara Masinire akati Moyo auye nevafakazi kuti vazopupura kushungudzwa kwaanoti ari kuitwa.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×