Anodyiwa haataure

Trymore Muvhawa—

MUKOMANA nemusikana vekumbopengesana murudo vakazonyandurana zvekusvitsana kumatare edzimhosva muchinda uyu ave kuda kudzoserwa mari yaanoti akamukweretesa pavaidanana.Never Homakona akamhan’arira aimbove musikana wake, Mavis Kubasa, kuHarare Civil Court achiti ari kuramba kumudzosera mari yaakamukweretesa vachiri kudanana.

Homakoma akaudza mutongo Yeukai Dzuda kuti: “Mambo wangu, ndakadanana nemusikana uyu kwesvondo ndokuenda kumusha kwaiva nenyaradzo. Ndiriko kudaro, iye akateverawo nekuti kwavo kwaivawo nenyaradzo. Ndipo paakandikumbira mari inoita $100 ndikamupa.

“Tadzoka kuno kuHarare, akandikumbira imwe $80 achiti anoda kutanga bhindauko rekutengesa mbatya. Saka sevanhu vaidanana, ndakamupa asi mari iyi aizofanira kundidzosera. Mushure mekunge atadza kundidzosera mari iyi, ndipo patakatanga kunetsana.”

Kubasa akapikisana nezvaitaurwa naHomakona.

“Zvataurwa naHomakona kunyepa. Ichokwadi akandipa mari asi kwete sechikwereti. $100 yaataura akadeedza tete vangu akavaudza kuti anoda kundiroora asi haafare nemapfekero angu, ndipo paakandipa $100 achiti nditsvage zvipfeko zvaanoda.

“Imwe $50 yakabiwa kuMbare iri muchikwama apo taitofamba tose. Ndakazoshamisika andimhan’arira kumapurisa achiti anoda $180 ndikamubvunza kuti yasvika ku$180 sei akati inosanganisira yemafuta ekuzora aaitenga pamwe chete nemari yebhazi yatakaendesa kumusha,” akadaro Kubasa.

“Ndakatoshamisika achinditi ndakanzwa kuti uri mukadzi wechikwambo saka hazvichaite kuti ndikuroore. Ndipo paakatanga kumutsa nyaya dzemari idzi.

“Ini handione zvakakodzera kuti ndimudzorere mari iyi nekuti aiita izvi nekuda kwake uye akandisiisa basa randaishanda remumba achiti ava kuda kundiroora,” akadaro Kubasa.

Mutongi Dzuda akati sezvo Homakona achiti ane umboo hunotsigira nyaya yake, anofanira kudzoka kudare neumboo uhu.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *