Mwana wekufirwa odzingwa pamba

Trymore Muvhawa—

MUKOMANA wekuDomboshava anoti babamukuru vake vari kumudzinga pamusha paakasiiwa ari nababa vake, avo vakashaya, vachimuti haazi mwana wepo asi kuti mubvandiripo.Martin Matope akamhan’arira Farai Matope kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa ndondo achida kuti abve pamusha paakasiirwa nevabereki vake.

“Ndatambudzwa nababamukuru vangu ava, vanondidzinga pamba pandakasiiwa nababa vangu. Pakundidzinga kwavanoita, vanenge vachiti ini handisi mwana wemumusha umu.

“Chinondishungurudza ndechekuti baba vangu vakafa vakandisiira musha uyu uye vasina kana nepadiki zvapo kutaura kuti handisi mwana wavo.

‘‘Nyaya iyi yave kutotanga kutaurwa nababamukuru ivava, hapana mumwe mumhuri medu ati ambozvitaura,” akadaro Martin.

Akati amai vake vakarambana nababa vakamusiya achigara pamusha apa.

“Amai vangu vakasiyana nababa vangu mugore ra1991 ndokunoroorwa nemumwe murume vakandisiya ndichigara nababa kusvika vazoshaya. Chikumbiro changu kudare ndechekuti babamukuru varege kundishungurudza,” akadaro Martin.

Achipawo divi rake, Farai akati mashoko aitaurwa naMartin aiva emanyepo uye nyaya yavainetserana ndeyekuti arege kuparadza musha uyu.

“Mwana uyu ari kunyepa, pane zvaataura hapana chechokwadi. Ndiri kunetsana naye panyaya yekuti arege kutema michero yaakawana iripo pamba apa uye kuti achengetedze ivhu sezvinodiwa neveEMA.

Nyaya iyi kutaura kuno ndakaiisa kwasabhuku wangu saka ndizvo zvaari kuyedza kudzivirira kuti ndisamutaurire,” akadaro Farai.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Martin gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×