Zimukonde retsvina yemunhu pamusiwo

. . . zinyoka ndokumupindira mumba

Tafadzwa Mutsotso—

PANE mukuwasha anoti akafumoona zimukonde retsvina yemunhu pamusuwo pemba yake pamwe chete nenyoka yaive mumba mumazuva akatevedzana mushure mekunge aendesa gupuro rekuramba mudzimai kwavatezvara vake.Jeremiah Matamba akamhan’arira Collen Mubayiwa, uyo anova sekuru veaimbova mudzimai wake, kudare reHarare Civil Court achiti ari kumutyisidzira nerufu.

“Mubayiwa munyai wangu, ndiye aifambisa mashoko pamazuva andaroora mudzimai wangu. Dambudziko rakazouya mushure mekunge ndavaudza kuti mwana wavo handichamuda nechikonzero chekuti ange oita chipfambi.

“Munyayi wangu akandiudza kuti, ‘Uchazvionera pamhuno sefodya’ sokunge mwana wacho ndewake,” akadaro Matamba.

Anoti Mubayiwa akamuudza kuti achamuonesa pfumvu nekuda kwenyaya iyi.

“Ndave kugara ndichingotya uye musi weMugovera svondo rapera ndakaona zinyoka mumba mangu. Ndiri kutofungira kuti pamwe ndizvo zvimwe zvezvinhu zvavakanditi ndichazvionera pamhuno sefodya,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Mushure mechiitiko ichi, ndakashevedza baba vangu ndikavaudza kuti ndizvo zvakange zvaitika. Baba vangu vakabva vashevedza munyayi wedu uyu vakamupa mari yegupuro vakati aendese kumusha kwemudzimai wangu. Zvakatishamisa ndezvekuti rechimangwana racho takamuka pamusiwo peimba yangu paine zimukonde retsvina yemunhu. Tsvina iyi yaiita seyaitwa nevanhu gumi vachingoturikidza panzvimbo imwe chete,” akadaro Matamba.

Anoti ari kushaiswa mufaro kubvira paakaramba mukadzi wake.

“Chiitiko ichi chakandishungurudza kusvika ndafunga kuuya kuno nekuti haungave upenyu hwekuti ndinogara ndichiitirwa mashura nevanhu vandinoziva. Haisi mhosva yangu kuti ndakasiyana nemwana wavo. Mwana wavo ndiye akatadza kugadzikana muwanano saka ndinokumbirawo dare rindidzivirire kuvanhu ava.” akadaro.

Mubayiwa akaudza dare kuti haapikisane nechikumbiro chaMatamba kunyangwe zvazvo ainyepera dare.

“Ini handingori munyayi wake chete, asi nditori sekuru vemudzimai wake. Akatondikumbira kuti ndimuendesere mari yake yetsvakiraikuno achiti sezvo muri sekuru, munosvikotambirwa. Ndakatombovagadzirisa vanetsana nemuzukuru wangu zvekuti handina chikonzero chekuti ndinetsane naye,” akadaro Mubayiwa.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Matamba gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×