Anofonerwa nechikomba murume aripo

Danisa Masuku

MUDZIMAI wekuBulawayo anonzi akarova murume wake nekeyi yemhando yepadlock zvakaipisisa mumusoro nemuviri wose mushure mekunge amubvunza kuti sei asingamuremekedze apo akadaira nhare yake paakafonerwa nechikomba iye aripo.

Zvinonzi nemusi weMuvhuro svondo rapera nenguva dza7 husiku, Prince Masuku (32) aive akagara nemudzimai wake Dorothy Madumba (24) pamba pavo apo chikomba chemukadzi uyu chakabva chamufonera chichibvunza kuti vosangana kupi.

Madumba anonzi akangofamba mamita mashoma kubva paive nemurume wake ndokubva ataura nechikomba chake panhare kwemaminitsi gumi.

Mushure mekunge apedza kutaura panhare nechikomba chake – murume wake, uyo akange anyumwa – akabva amubvunza kuti sei asingamuremekedzi zvekusvika pakubvumira chikomba chake kuti chimufonere iye aripo.

Madumba anonzi akabva ashatirwa, ndokutora kii yepadlock achibva atema nayo murume wake mumusoro uye nekumurova muviri wose.

Masuku akakuvara zvakanyanya mumusoro kuburikidza nekutsemukira kanokwana kapfumbamwe nekuda kwekurohwa uku achibva aendeswa kuchipatara cheMpilo Central Hospital kunorapwa.
Madumba akamiswa pamberi pemutongi Jeconia Prince Ncube wedare reWestern Commonage Magistrate Court achitarisana nemhosva yekurova murume wake.

Ari kuramba mhosva iyi uye achadzoka mudare munguva pfupi iri kutevera apo anenge ari mutirongo.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×