Gogo vomanikidza muzukuru kuyamwisa nyoka

Liberty Dube

VAGARI vemubhuku raChiutani, kuChimanimani, svondo rapera vakasara vasina neremuromo mushure mekunge imwe chembere yeko yadura kuti inomanikidza muzukuru wayo kuti ayamwise nyoka yavo.

Nyaya iyi yakabuda nemusi weMugovera wadarika padare raMambo Saurombe apo Mbuya Dalice Dzemura vakadaidzwa nemhosva yehuroyi iyo yavari kupomerwa nemuzukuru wavo anonzi Portia Dzemura.

Portia ave kusvitsa makore 20 ekuberekwa.
Mbuya Dzemura vanobvuma kuti vari kuita mabasa ehuroyi pamwe nekumanikidza muzukuru wavo kuti ayamwise nyoka yavo.

Asi havasi kuda kutaura kuti sei vari kuita izvi.
Mambo Saurombe vakabata Mbuya Dzemura nemhosva yekuita mabasa ehuroyi ndokuvaripisa mbudzi nhatu.

N’anga nhatu dzakashevedzwawo kuti dzizochenura mbuya ava nemuzukuru wavo.
Panguva yedare, Portia akachema zvikuru achitsanangura matambudziko aari kusangana nawo.
Amai vake vakataura nezverusarura rwava kusangana nemwana wavo nekuda kwenyaya iyi.

“Zvinhu zvinotyisa zvikuru kunzwa nyaya dzehuroyi dzakadai, tinovimba achasunungurwa kubva kuhunhapwa. Varume vazhinji vava kutomusema nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro amai vaPortia.
Mambo Saurombe vanoti nyaya iyi inotyisa zvikuru uye itsva mudunhu ravo.

“Portia akapotera kudare rangu achitaura nhau yekumanikidzwa kuyamwisa nyoka pamwe nemabudiro anoita mukaka mumazamu ake apo nyoka iyi inomuyamwa,” vanodaro.

“Gogo Dzemura vanobvuma kuti vari kuita mabasa ehuroyi nekukonzera minyama munharaunda pamwe nekumanikidza Portia kuti ayamwise nyoka iyi. Portia mukadzi ari kushungurudzika uye ava kusangana nerusarura munharaunda,” vanodaro Mambo Saurombe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×