Anokanda vana kumota ichifamba

Lizzy Mushoriwa
MURUME samusha anoti mudzimai wake anodya marasha zvekusvika pakukanda vana pamberi pemota yaanenge achityaira uye kuda kumupisira mumba achiti akagara asingade kuroorwa naye.

Donald Vanda akaudza dare reHarare Civil Court kuti aoneswa nhamo nemukadzi wake, Evidence Vanda.

“Changamire, ndanzwa nekushungurudzwa nemukadzi uyu. Anonditema nekundirova chero nechaanenge abata – kana banga chairo nesimbi – zvekuti ndava kutotyira upenyu hwangu,” anodaro Donald. Anoti mukadzi wake anoita kunge ane mamhepo nekuti dzimwe nguva anokanda vana pamberi pemota yaanenge achityaira uye kumutyisidzira nerufu. “Handizive kuti chii chinoitika paari mukadzi uyu, zvinoita kunge zvemamhepo chaizvo nekuti dzimwe nguva ndichityaira mota anongokanda vana pamberi payo uye anotomboti anoda kutipisira mumba tose nevana. Kunyanya ndikamunyima mari panoita hondo chaiyo, kana zvadaro anoti ‘ndaisada kuroorwa newe, wakandirambisa nemukomana aida kundiroora’,” anodaro Donald.

Achipawo divi rake, Evidence anoti Donald anoda kuwana mabudiro emumba sezvo achigara asipo.

“Ndinofunga vanoda kuwana mabudiro emumba nekuti kumba kwacho havasi kugara uye vana haasi kuchengeta. Dzimwe nguva anotosiya vana nenzara saka ndichizovaisa pamberi pemota kuti aende navo nekuti ndinenge ndisina chekuvapa. Izvozvi hembe dzake dzatopera mumba, anongotora hwani hwani,” anodaro Evidence.

Mutongi Larzin Ncube akapa Donald gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *