‘Tsigirai zvikoro zvamakadzidza’

Abel Ndooka
VERUZHINJI vari kukurudzirwa kusimudzira zvikoro zvavakadzidza, kunyanya zviri kumaruwa, senzira yekudzorera kunharaunda.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaMugove Muzenda, avo vanova chamangwiza weVibrant Boomz Academy apo vaive muyenzi mukuru pamabiko eSpeech and Prize-Giving Day pachikoro cheGomo Primary School, kuZvishavane. Vanoti kuti zvikoro zvekumaruwa zvisimukire, zvinoda kubatsirwa nemapoka akasiyana kusanganisira vakadzidza pazvikoro izvi.

“Kana mabva pazvikoro, masimukira muupenyu, musakanganwe kwamakabva kwazvakatangira. Zvakakosha kuti musimudzire zvikoro zvamakabva nekuti kuti muve zvamuri nhasi uno, kuburikidza kwedzidzo yamakapihwa kuzvikoro izvi.

“Saka dzoserai kwamakabva nekuti panguva iyi munenge muchitogadzirira remangwana revamwe vana vari kutevera,” vanodaro VaMuzenda. Vakataura mashoko aya zvichitevera chipo chemakombiyuta chakapihwa kuchikoro ichi naVaHubert Manyowa, avo vakadzidzapo.

“Basa riri kuitwa nanaVaManyowa tinorikudza zvikuru, vari kuratidza chido nechikoro chavakabva, chavakadzidza. Ndokusaka muchiona vachibatsira nepose pavanokwanisa napo.

“Havasivo voga nekuti variko vamwe ndanzwa vari kubatsira chaizvo nenzira dzakasiyana. Rambai makadaro muchibatsira kuti chikoro ichi chiende kure, pamwe vazukuru venyu ndivo vachabatsirika nemabasa enyu aya.

“Hazvibatsire kuona munhu achienda kunobatsira kana kutsigira chimwe chikoro chaasina kumbodzidza. Hongu hatizvirambe, kubatsira kwakanaka asi tangai nekwenyu kwamakadzidza,” vanodaro.

Vanoti vabereki vanofanirawo kushanda nesimba kuti vabhadharire vana vavo mari dzechikoro zvigobatsira kuti vawane dzidzo yepamusoro.

“Vabereki itaiwo ngoni, bhadharai mari yevana yechikoro. Kana musina mari yacho, endai kuzvikoro munokumbira kana kuita maricho chaiwo mosevenzera mwana wenyu kuti akwanise kudzidza.

“Hamuzive kuti mangwana anofuma ari ani saka imi mukatamba nedzidzo yake munotomukangisira upenyu hwake,” vanodaro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×