Anozvambaradza amai. . . odzingirira baba netsvimbo

Yvonne Chipato
MWANAKOMANA wekuzvambaradza amai vake, pashure ndokuzoda kudhonora baba vake netsvimbo apo vaida kurandutsira mudzimai wavo, akamiswa pamberi pedare.
Teddy Mutsaunobaya akaendesa Worship Mutsaunobaya kuHarare Civil Court achiti anoshungurudzwa pamwe nekutukwa nemashoko ezvinyadzi nemwanakomana wake uyu.

“Changamire, kubereka kwangu kwandizvimbira, handichina rugare pamba pangu nekuda kwemwana wangu wekubereka. Mwana uyu akandirovera mudzimai wangu ndakatarisa, pandakada kumudzivisa akanditandanisa achida kundizvambaradza netsvimbo.

“Ndava kutya kumutsiura nekuti ndikangoedza kutaura naye anonditukirira pamwe nekuda kundirova.

Ndinokumbirisawo kuti dai dare randibatsira negwaro redziviriro kuti mwana uyu arege kundishungurudza sezvo kave kechitatu achida kundirova netsvimbo,” akadaro Teddy. “Vamwe vana vangu vese havasisina ruremekedzo neni nekuda kwemabasa aWorship zvakare anovafurira kuti vasaremekedze mudzimai wangu. Kutaura kuno patova nemazuva akawanda Worship pamwe chete nehazvadzi dzake vasingataure neni. Hatikwazisane asi isu tichigara muimba imwe chete.

“Ndava kuremerwa semubereki kugara nevana vasingandiremekedze zvakare vanoramba kudya zvekudya zvinobikwa nemudzimai wangu vachiti vanotya kuroyiwa.”

Worship akaramba kuti anotuka baba vake kana kuvashungurudza.

Akati: “Baba vangu vanondinyepera, ndinovaremekedza zvakanyanya semubereki wangu asi dambudziko guru mudzimai wavo uyo anoda kutipesanisa. Mudzimai wavo anogara achitaura mashoko akashata pamusoro pedu izvo zvinogara zvichikonzera bopoto pakati pangu nababa.

“Dzimwe nguva ndinotadza kuzvidzorawo ndosvika pakurova mudzimai wababa nokuti anonyanya kutaura mashoko anoparadza,” akadaro Worship.

Mutongi Tatenda Manhanzva akapa gwaro redziviriro kuna Teddy akati Worship asarove kana kumushungurudza baba vake uye kuti vagare murunyararo.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×