GRADE 7: Mazita ezvekudya nezvinwiwa

Ticha Danga
GWARO negwaro rinezvaro munyaya dzekudzidza. Paya panotangwa gwaro rekutanga vana vanodzidziswa kutwasanudza nhengo dzavo dzekunyoresa nekudaro havangotanga nekunyora mumagwaro. Vanotanga nekunyoreswa mapatani muvhu chaimo.

Iyi inguva yakakosha nekuti panenge pachida kutsvenenzverwa hutsanzi hwekubata.

Zvinotovatorerera masvondo matanhatu ekuita izvi (6 weeks of pre formal learning).

Panozotangwa kushandiswa chiya chipenzura chikobvu vachingoita zvamapatani kusvikira zvavakudaira.

Zvinoenda zvichingoshanduka kusvikira vonyora vega dzamara pfacha mugwaro rechinomwe.

Wava mugwaro rechinomwe wavakugadzirira kuenda chikoro chikuru nekudaro zvodiwa zvinenge zvawanda.

Ndiko kusaka tiri kuita dzokorodzo kuti igobata masvondo asara aya zvigotipfavira. Mudzokorodzo yechikamu chino tinoda kubata mazita anopiwa kuzvinhu zviya zvekudya nekunwa.

Munguva yamaguta vakangwara vanotora muriwo wemumanga kana kuti mutikiti vouvhaidza voyanika.

Muriwo iwoyo unozodyiwa wava kunzi mufushwa kana kuti musone.

Musone unogona kunge uri wemuriwo wemunyemba, nyevhe kana tsunga. Vamwewo vanogona kuita mufushwa wehohwa.

Kudya kunotapira zvikuru kwakaita sehuchi kunonzi musvi.

Kana kungori kudya kwese kunonaka kunonzi mutakunanzva kana mudyandakasungwa asi vamwe vanozowedzera vachiti zvidokohori kana kuti gamburandakaguta.

Panoenda vanhu vazhinji kumunda kunoshanda panosara vamwe pamba vanenge vachishenaira nekukaringira vari kushanda muminda.

Kudya ikoko kunogadzirirwa vashandi vari kumunda kunonzi mufairo.

Kana riri doro rapanhimbe kana pahoka rinonzi gombora kana ronwiwa masikati basa zhinji raitwa.

Kana vanhu vepanhimbe vapedza kunwa hwahwa hwechikururamabhachi vanozorusimudzira nendima kusvika vapedza apo zuva rinenge ronorereka.

Vapedza ndima dziya vanoti zvakare mboya mboya pasi vachinwa hwahwa hunonzi mharadzamusasa.

Vachingopedza mharadzamusasa vanobva vati waziva kwake waziva kwake kosara vaya vana musiyadzasukwa.

Vanobika doro rendari kana rebira vanosanganisa mhanga nemasese.

Kana hwasvinwa mhanga iya nemasese zvinogadzira anonzi madirwa anenge asati okora kana kudhaka.

Doro riya rikazogara mazuva risati ranwiwa rovavira zviya zvekupedzisira rinenge ronzi muswa.

Nyama yeguru remusana inonzi mupfumo. Inyama inonaka zvikuru inowanzodyiwa navakuru. Kune vamwe vanogona kutswa kana kudzvura chibage.

Vachibika, vanozochimona nedovi chozodyiwa sesadza. Chibage ichochi chinonzi mashazhare kana kuti manhuchu.

Nzungu dzakakangwa dzikaiswa munyu dzosasikwa dzinonzi mutetenerwa kana kuti mutsege. Kune mutakura wenyimo unobikwa usina kusanganiswa nedzimwe mbesa. Vamwe vanoita wekumona. Mutakura uyu unonzi mufote. Unonaka nekugutsa samara.

Kubereka kwemombe kunounza mufaro mumhuri zvekuti mukaka wekutanga wemombe unobikiswa bota rinodyiwa navanhu vose kuvhura kuzokamwa kwemombe iyoyo. Bota iroro rinonzi mudzamba. Mukaka wakakora wakamandana usina mutuvi unonzi zifa remukaka kozotiwo mvura inoburitswa mumukaka wakakora inotapira inonzi mutuvi.

Sadza rakasara pakudyiwa robva rarara rinonzi munya kana kuti muradzwa.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×