Arsenal yoda Klostermann

ARSENAL yakawedzera mutambi weRed Bull Leipzig, Lukas Klostermann, pavatambi vaingade kutenga vekumashure.

Arsene Wenger agara haana Per Mertesacker muchikwata chake uyo achapedza mwedzi mina asingatambe nekuda kwekukuvara kwaakaita, uye musoro wake wave kutema parizvino zvichitevera kukuvara kwakaita Gabriel Paulista musi weSvondo apo chikwata chake chaitamba neManchester City.

Mutambi weValencia Shkodran Mustafi ndiye ari kufungidzirwa kuti ari kudiwa neArsenal kunyanya kunyangwe hazvo pakambotaurwa mazita evamwe vatambi vanoti Jonny Evans naScott Dann.

Klostermann ari kusimukira munhabvu uye akareba zvikuru mutambi uyu.Anotamba kuright-back kuLeipzig asi zvinozivikanwa hazvo kuti anogona kutamba pacentre-back.

Angagona kutengwa nemari inosvika £25m uye parizvino ari kutambira nyika yake yeGermany kumitambo yemaOlympics, saka kutengwa nekukurumidza kunogona kunetsa.

Rob Holding, uyo akatengwa kubva kuBolton £2m, ndiye mutambi weArsenal chete wekumashure akasimba parizvino. —Daily Mail Football.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *