Blagefields yokurudzira varimi kutenga michina

KAMBANI yeBlagefields iyo inogadzira michina yemadiridziro yechitsoka-tsoka yokurudzira varimi kuti vashandise muchina weMoneyMaker Hip Pump (MMHP) uyo unove chiwororo pakudiridza mbesa dzakasiyana uye uri nyore kushandisa.

VaBrian Vere vanove managing director wekambani iyi vanoti michina yemhando yakadai inogona kusandura upenyu hwevarimi nenguva diki-diki.

“Tiri kuda kufambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset chinova chinorwisa nzara muupenyu hwevanhu pamwe nekuvamutsira mabasa. Mumwedzi uno waNyamavhuvhu, mitengo yedu yeMMHP ichange yakavhuvhutwa nemhepo kuenda paUS$65 kusanganisira masipeya emapiston caps, masprayer nozzle tichipa zvakare magwaro emaguarantee egore rose kuvatengi vedu,” vanodaro.

VaVere vanoti michina yemadiridziro eMMPH yakakosha zvikuru kuvarimi nekuti hairemi uye iri nyore kushandisa zvichienderana nemagadzirirwo ayakaitwa.

Vanokurudzira mapoka evechidiki akadai semaYoung Farmer’s Club, zvikoro, masangano akazvimiririra nevamwe kuti vashandise madiridziro aya mumabhindauko avo sezvo asingavadhurire.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *