Muchaneta Chimuka
MUSIKANA wechidiki wekuChitungwiza anoti atambudzwa zvikuru nechirwere cheitsvo uye ari kukumbirawo rubatsiro kune veruzhinji rwemairi inosvika US$30 000 yekuti anovhiiwa kunyika yeIndia. Diana Mugadza (24), uyo achangobva kupedza zvidzidzo zvedhigirii reHonours Degree in Social Work kuUniversity of Johannesburg, kuSouth Africa, anoti dambudziko rekusashanda zvakanaka kweitsvo dzake riri kudzorera zvirongwa zvake zveupenyu shure.
“Zvisinei nekuti ndine dhigirii, handikwanise kuwana basa nekuti nguva zhinji ndinenge ndiri muchipatara ndichigezwa tsvina yemuropa kuburikidza ne’dialysis’. Vabereki vangu vose vakange vari mapurisa asi iko zvino vave pamudyandigere, nokudaro vari kukundikana kuwana mari inodiwa kuti ndirapwe,” anodaro.
Mugadza anoti hurwere uhwu hwakatanga kumubata mumwedzi waMbudzi gore rapera panguva iyo akange ave kugadzirira kunyora bvunzo.
“Machiremba akati itsvo dzangu hadzichashande nokudaro dzinoda kuvhiiwa kuti ndiiswe dzimwe kana pachinge paita munhu anokodzera kundibatsira.
‘‘Iko zvino ndiri kurarama ne‘dialysis’.
“Izvi zvinodhura uye ndinowanzoitirwa kuParirenyatwa (Group of Hospitals) nekuChitungwiza Central Hospital. Ndinobhadhara US$150 pachikamu chimwe chete kuchizodiwazve mishonga inosvika US$150 pozoti mari yekufambisa neyekudya. Zvinoreva kuti pamwedzi ndinoburitsa US$1 160,” anodaro.
Anoti mimwe mishonga inodiwa haisi kuwanikwa muno.
Vangade kubatsira musikana uyu vakasununguka kumuisira mari mubhanga reBarclays Bank, Kurima House Branch, muakaundi nhamba inoti 1051225 code 1233.
Vanogona zvakare kuridza nhare panhamba dzinoti 0776 357 933, 0772 382185, 0778 155 249 kana kunyorera padandemutande rinoti: georgemugadza@gmail.




