Chengetedzai goho: ZFU
Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) riri kukurudzira varimi kuti vakohwe zvirimwa zvavo zvasvika pakuoma nemwero wakakodzera uyewo nekuti vashandise mishonga yekuuraya tumbuyu tunoparadza chibage nezvimwe. Mashoko aya akataurwa…
Chenjedzo kuvarimi venyuchi
Malven Mugadzikwa MURIMISI uye murimi wenyuchi, VaAnderson Chibatauta, vanoti vari mubhizimisi rezvekuchengeta nyuchi vanofanira kungwarira tupukanana (hive beetles) utwo tunodya mazinga enyuchi sezvo izvi zvichikanganisa huwandu hwehuchi uye kuti dzisahugadzira…
Akanozvisungirira pamusha patezvara
Sukoluhle Ndlovu MURUME wemubhuku rekwaChakaipa kwaMambo Gwesela, kuZhombe, anonzi akazvisungurira pamusha pavatezvara vake zvichitevera kunetsana kwaakaita nemudzimai wake nenyaya yekuita gumbo mumba, gumbo panze. Peter Mlauzi (30) anonzi akazvisungirira mushure…
Anorova amai vake, ovapenda kumeso
Danisa Masuku MWANAKOMANA anogara mumusha wePumula North, kuBulawayo, anorova amai vake nyakumutumbura, achivatuka nezvinyadzi uye kuvadira pendi kumeso achida kuti vabve pamba yaanoti ndeyababa vake. Kudakwashe Motsi anouya kumba akadhakwa…
Itawo rako bhindauko
Wedzerai Nhemachena TIRI mumwaka wevashandi kudai, dare rino raona zvakakodzera kuti tikurukure nezvemabatirwo evashandi senhapwa, zvinoomera vashandi nekuona kuti vangaite sei kuti vagone kuchengeta mhuri dzavo. Nhapwa munhu anoshandira mumwe…
Kumutsa mweya yevakafa
Muchaneta Chimuka MWEYA wemunhu anenge afa — kunyanya nenzira yekupondwa, kuroyiwa kana imwe firo isinganzwisisike — unokwanisa here kumutswa nevapenyu kuti upfukire vanhu vakakonzera rufu rwake kana kumhuri dzavo? Uyu…
‘Vanhu tave kuvarairwa’
Tandayi Motsi HURUMENDE inoti zvichitevera kusatevedzwa kuri kuitwa mitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19 neveruzhinji, iri kutora matanho ekusimbaradza ongororo nekuona kuti mitemo iyi yatevedzwa uye kupa dzidziso pamusoro penjodzi yekushaya hanya…
Zvidzidzo kubva mu’lockdown’
Muchaneta Chimuka VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vadzidze kubva muchirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 (lockdown) – icho chinonzi chakaona nyaya dzemhirizhonga dzichiwanda mudzimba pamwe chete nehurombo – kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa ekumisa chirwere…
Muporofita wekuponda mukadzi wechi11 ovhimwa
Kingstone Mapupu MAPURISA ekuMashonaland Central vanoti vachiri kutsvaga nemaziso matsvuku muporofita wechechi yeJohanne Marange wemubhuku raDzemwa, kwaMambo Musana, kuBindura nemhosva yaari kupomerwa yekuponda mudzimai wake wechi11 pabarika revakadzi 22. Mutauriri…
Okurudzira vaimbi kubaiwa nhomba
Abel Ndooka VAIMBI nevanoita zvemadhirama vari kukurudzirwa kuti vatungamire pachirongwa chekubaiwa majekiseni enhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 senzira yekukurudzirawo veruzhinji kuti vatevere gwara ravo. Kurudziro iyi yakaitwa nemuimbi ari kusimukira –…










