Chengetedzai goho: ZFU

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) riri kukurudzira varimi kuti vakohwe zvirimwa zvavo zvasvika pakuoma nemwero wakakodzera uyewo nekuti vashandise mishonga yekuuraya tumbuyu tunoparadza chibage nezvimwe.

Mashoko aya akataurwa naVaPaul Zakariya vanova ZFU executive director vachiti pari zvino kune vamwe varimi vakatotanga kukohwa zvirimwa.

“Tinotenda zvikuru Nyadenga rwendo rwuno, Zhizha redu takava nemvura inokwanirana zvikaita kuti zvirimwa zvedu zviite zvakanaka. Nguva yekukohwa yasvika saka tinokurudzira varimi kuti vatange vaona kuti zvirimwa zvavo, chingava chibage kana zvimwe, zvaoma zvakanaka. Tapedza kukohwa kudaro, tinokurudzira kuti zvirimwa zvedu tizviise panzvimbo dzakanaka angava matura kana matara panopinda mhepo,” vanodaro VaZakariya.

Vanokurudzira varimi kuti vavake matara emhando dzinokurudzirwa ayo asingakonzere kuwora kwegoho.

“Ngatishandei nevarimisi vedu pane zvose zvatinoda kuita pakuchengetedza goho redu tichiwana mazano kubva kwavari. Zvimwe zvirimwa zvakaita sechibage zvinotanga kudyiwa nezvipfukuto zvichiri muminda izvo zvinoda kuti varimi vachangopedza kukohwa vomwaya mishonga inouraya zvipfukuto netumwe tumbuyu.”

VaZakariya vanoti zvirimwa zvikakohwewa zvinoda kupihwa imwe nguva yekuoma zviri panze kana mumatara zvichimirira kuti zvizopurwa nekuiswa mumatura kana kutengeswa.

“Tinoona kuti zvimwe zvirimwa zvinoendeswa kunotengeswa kungava kuGrain Marketing Board (GMB) zviine hunyoro zvinozoita kuti zvidzoswe izvo zvinozopinza varimi dambudziko rekuramba vachihaya motokari. Kune zvirimwa zvatinochengetera kudya pamisha yedu, tinokurudzira kuti varimi vaise mishonga inouraya zvipfukuto inobva kuzvitoro zvinozivikanwa kwete kutenga mumikoto,” vanodaro.

Vanoti makore ose panguva ino panoita dambudziko remakoronyera ayo anotengesa mishonga yezvirimwa yekuuraya zvipfukuto netumwe tumbuyu yechitsotsi.

“Varimi vanosangana nematambudziko ekutengeserwa mishonga yechitsotsi vachinzi ndeyekuuraya zvipfukuto kana tumwe tumbuyu. Mishonga iyi vanonoisa muzvirimwa vozoona zvichiramba zvichidyiwa vobva varasikirwa.

“Saka tinoti siyanai nekutenga mishonga yezvirimwa mumikoto, zvitoro zvinozivikanwa zviriko uko kwamunowana mishonga chaiyo,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti mwaka uno, Zimbabwe iri kutarisira goho rakakura zvikuru zvichitevera kutsigirwa kwakaitwa varimi nezvekushandisa neHurumende kuburikidza nezvirongwa zvinosanganisira chePfumvudza.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×