Zim yokunda hondo yeHIV neAIDS
Muchaneta Chimuka ZIMBABWE iri kuratidza kubudirira zvikuru panyaya yekurwisa hutachiona hweHIV neAIDS zvichitevera gwaro rakaburitswa nesangano reGlobal AIDS Monitoring Report munguva pfupi yadarika apo nyika ino iri mushishi kuedza kumisa…
Murume wekushinha nechitunha opika
Prosper Dembedza MURUME wekuEpworth – uyo akashinha nechitunha parufu kutanga kwegore rino – akatongerwa kufondoka kwemaawa 315 pasina mubhadharo pakamba yemapurisa yeko. Mutongi Sheunesu Matova wedare reHarare Magistrates Courts akatonga…
Akakanda kasvava mvura inofashaira
Thupeyo Muleya NYAYA yemudzimai wemuZimbabwe, uyo ari kupomerwa mhosva yekuuraya mwana waakanga achangobva mukuzvara achiita zvekumuny’udza mumugomo wemarita 20 emvura inofashaira kuSouth Africa, ichaenderera mberi nekutongwa musi wa14 Chivabvu apo…
Vana vechikoro 2 vapondwa . . . mutumbi yawanikwa muchimbuzi
Muchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti ari kuferefeta nyaya yevana vaviri vemakore 7 okuberekwa vekwaBesa, kwaMutasa, kuManicaland, avo vakashaikwa kuchikoro nemusi weChipiri svondo rino, ndokuzowanikwa vakapondwa, mitumbi yavo…
Mwana haasati awanikwa
Kingstone Mapupu MWANA musikana wemakore 12 okuberekwa wekuRuwa, uyo akashaikwa mwedzi wapera apo akakwidzwa motokari achienda kuMabvuku kwaanogara nasekuru naambuya vake, anonzi haasati awanikwa. Kwayedza nguva yadarika yakaburitsa nyaya yaAbigail…
Denda roita serodzoka
Tandayi Motsi HUWANDU hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa munyika muno uye nevari kufa hunoratidza kuti huri kukwira zvishoma kubvira nemusi weSvondo kana zvichienzaniswa nenguva pfupi yadarika. Magwaro…
Vodzivirira Covid kumisika yefodya
Muchaneta Chimuka VARIMI vefodya vari kutambira nemaoko maviri hurongwa hwakaitwa neHurumende uye nemakambani anotenga fodya hwekuderedza huwandu hwevanotengesa zvirimwa zvavo kumisika pazuva senzira yekudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19. VaGeorge Seremwe, vanova…
Vakawanda vonobaiwa majekiseni ku’Chitown’
Muchaneta Chimuka KANZURU yeChitungwiza – kuburikidza nechikamu chayo cheCity Health Department – iri kukurudzira vagari veko vane makore 18 ekuberekwa zvichikwira nevanotambudzwa nezvirwere zvakasiyana kuti vatore mukana wekunobaiwa majekiseni ekudzivirirwa…
‘Ngwarirai Covid-19 kunyanya pazororo’
Tandayi Motsi HURUMENDE iri kukurudzira veruzhinji kuti vachenjerere panyaya yekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid-19 kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa ekumisa kupararira kwedenda iri, zvikuru panguva yezororo rekupemberera kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere. Vachitaura kuvatori…
Baba vakamitisa mwanasikana . . . makore maviri achibhinywa asi Amai vachiramba
Gibson Mhaka ari kuMbembesi MURUME ane makore 49 ekuberekwa wekuMbembesi, kudunhu reMatabeleland North, ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo mwanasikana wemudzimai wake ane makore 15 okuberekwa kudzimara abata pamuviri. Mhosva iyi…











