‘Zvatinakira isu vanhukadzi’
Muchaneta Chimuka “MAKARE-KARE nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, hakuna madzimai nevanasikana vaiwaniswa kodzero yekuva neminda kana misha iri mumazita avo. Kana zvitupa chaizvo zvairema kuti madzimai ange achizvitora vakazvimiririra nekuti…
Hondo yakora muto . . . vanhu 143 vasungirwa kutengesa zvinodhaka
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kukumbira kune veruzhinji kuti vavabatsire nemashoko anoita kuti vakwanise kusunga vanhu nhubu avo vari kuita basa rekutengesa zvinodhaka zvisingatenderwe pasi pemutemo zvinosanganisira…
Akadzika munin’ina demo . . . mumwe ndokufa arohwa necheya pabhawa
Kingstone Mapupu VARUME vaviri vakapondwa kunzvimbo dzakasiyana kuMberengwa nekuGokwe, kudunhu reMidlands apo mumwe anonzi akatemwa nedemo nemukomana wake vatadza kunzwisisana uye mumwe wacho ndokutemwa zvakare necheya mumusoro ari pabhawa. Inspector…
Covid muzvikoro: Poitwa ongororo
Debra Matabvu HURUMENDE iri kusimbaradza ongororo muzvikoro zvichitevera kuwanda kuri kuita nyaya dzevana nevarairidzi vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 muzvikoro zvebhodhingi. Zvikoro zvinosvika 15 munyika zvine vana nematicha vakawanikwa vaine…
Vanhu 200 000 vadzoka muZim
Rumbidzayi Zinyuke MARI inosvika US$10 miriyoni inonzi iri kudiwa kushandiswa kutsigira raramo yevanhu vanodarika 200 000 vemuZimbabwe avo vakadzoka kumusha kubva kunze kubvira pakanyuka chirwere cheCovid-19 gore rapera mushure mekugara…
Vechidiki vooneswa gwara
Abel Ndooka SANGANO reLife Empowerment Support Organisation (LESO) riri kusimudzira vechidiki kubva munharaunda dzakasiyana kuburikidza nekuvapa dzidziso yekuti vangararame sei munguva ino apo nyika iri kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19. LESO…
Vabereki ‘vakavharwa’ mari pachikoro
Kingstone Mapupu YAKAVE bata-batai paWaterfalls Primary School iri muguta reHarare apo mazana evabereki vakakomba chikoro ichi vachiti vanoda kudzoserwa mari dzavo dzechiokomuhomwe idzo dzavanoti vakabvisiswa nedzimwe nhengo dzeSchool Development Committee…
Vane Covid-19 voita vashoma
Tandayi Motsi HURUMENDE inoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchidzikira zvichitevera matanho akasimba ari kutorwa ekumisa kupararira kwedenda iri. Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChitatu mushure memusangano wedare…
‘Vaimbi tsvagai zvimwe zvekuita’
Abel Ndooka MUIMBI wenziyo dzechitendero – Matildah Tekeshe – ari kukurudzira vamwe vaimbi kuti vadzidzire kushandisa maoko senzira yekutsvaga kurarama zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa mabasa avo nechirwere cheCovid-19. Upenyu hwevaimbi vazhinji…
Vana vanodhakwa vave kubatsirwa
Kingstone Mapupu BAZI rezveutano nekurerwa kwevana riri kutora matanho ekubatsira vechidiki vane raramo iri kunganiswa nekutora zvinodhaka zvinosanganisira unonzi mutoriro, izvo zviri kuona vamwe vachiramba kudzokera kuchikoro kana kupata misha…










