Vana vechikoro 2 vapondwa . . . mutumbi yawanikwa muchimbuzi

Muchaneta Chimuka

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti ari kuferefeta nyaya yevana vaviri vemakore 7 okuberekwa vekwaBesa, kwaMutasa, kuManicaland, avo vakashaikwa kuchikoro nemusi weChipiri svondo rino, ndokuzowanikwa vakapondwa, mitumbi yavo yakakandwa muchimbuzi chiri pane mumwe musha wava dongo.

Vana vakauraiwa ava ndiMelisa Benza (7) naDelan Benza (7) avo vaidzidza paSt Robert Mbasa Primary School, kwaMutasa.
Vanonzi vakawanikwa vakachekwa mitsipa.

Mutauriri wepamurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Tichakutumirai zvizere panyaya iyi uye ichokwadi kuti yakaitika. Vana ava vakashaikwa ndokuzowanikwa mitumbi yavo yakakandwa muchimbuzi mushure mekunge vanhu vatevedza mihwezva yekuzvuzvurudzwa kwaiitwa mitumbi uye ropa izvo zvainge zvakananga kuchimbuzi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Zvakawanda zviri kutevera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×