Voronga kuviga Tapiwa Makore
Kingstone Mapupu MHURI yekwaMurehwa – iyo ine mwana mukomana wemakore manonwe ekuberekwa uyo akapondwa gore rapera, mutumbi wake ndokuzowanikwa wakabviswa musoro, makumbo nemaoko – inoti yava nehurongwa hwekuviga mutumbi uyu…
UN yotenda vanhukadzi ‘. . . muri pamberi kurwisa Covid-19’
Muchaneta Chimuka SANGANO reUnited Nations (UN) rinorumbidza mabasa ari kuitwa nevanhukadzi mukurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo vakawanda vari ivo vari pamberi muhondo iyi. Izvi zvakataurwa nezuro muHarare pachirongwa chekucherechedza zuva remadzimai…
Budiriro yemadzimai yorumbidzwa, asi . . .
Kingstone Mapupu SANGANO reMusasa Project, rinoti riri kucherechedza zuva reInternational Women’s Day nekutarisa nyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi uye mabasa makuru avanobata. Mukuru wesangano reMusasa Project, Mai Precious Taru, vanoti zuva iri…
Voshaiswa rugare nemarara, nhunzi
Kingstone Mapupu VAGARI venzvimbo yeTsiga, kuMbare, muguta reHarare, vari kuchema-chema nenyaya yekusatakurwa kwemarara nekanzuru izvo zvavanoti zvine njodzi huru yekukonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka pamwe neCovid-19. VaMaldon Kwaramba (30) – avo…
Tichabatsira Africa: WHO
Tandayi Motsi SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti rakazvipira kutsigira nyika dzose dzemuAfrica kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye kusimbaradza nyaya dzeutano. Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChina…
Kuvhurwa kwezvikoro: Zvizhinji zvarongeka
Muchaneta Chimuka GADZIRIRO dzekuvhurwa kwezvikoro – izvo zvichazarurwa muzvikamu zviviri kutanga nemusi wa15 Kurume kuvadzidzi vari kunyora bvunzo – dzava padanho repamusoro apo matanho ose akakodzera ari kutorwa mukuona kuti…
‘Vaimbi fambiranai nenguva’
Muchaneta Chimuka MUNYORI wenziyo ari zvekare muimbi, Mary “Amai Zee” Mhiribidi Zinyimo, anoti zvakakosha kuti vaimbi vafambirane nenguva nekushandisa nzira dzakasiyana kushambadza mabasa avo zvichitevera mararamiro matsva aveko nekuda kwechirwere…
‘Ngatisarivare, Covid ichiriko’
Abel Ndooka NYANZVI munyaya dzezveutano Esther Tayo-Mawere, anove mukuru wesangano rinorwira kodzero dzeutano hwevanhukadzi reWomen in Health Zimbabwe – okurudzira veruzhinji kuti vasarivare vachifunga kuti chirwere cheCovid-19 hachisisiko zvichitevera…
Musakuvadze vatengi: CZR
Malven Mugadzikwa MUTUNGAMIRI wesangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu, vanoti kukwidzwa kuri kuitwa mitengo yezvinhu zvakasiyana kuri kukakanganisa vatengi zvakanyanya sezvo mari iri kunetsa kuwana panguva…
Kubaiwa majekiseni kwofamba nemazvo
Tandayi Motsi HURUMENDE yakaumba chikwata chenyanzvi chinosanganisira vanamuzvinafundo, bazi rezveutano nekurerwa kwevana nevanoona nezvetsvakurudzo (Research and Clinical Services) kuti vaongorore mashandiro ari kuita mushonga uri kubaiwa vanhu wekudzivirira kuti vasabatwe…











