‘Vaimbi fambiranai nenguva’

Muchaneta Chimuka

MUNYORI wenziyo ari zvekare muimbi, Mary “Amai Zee” Mhiribidi Zinyimo, anoti zvakakosha kuti vaimbi vafambirane nenguva nekushandisa nzira dzakasiyana kushambadza mabasa avo zvichitevera mararamiro matsva aveko nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Mai Zee akataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mushure mekubura dambarefu rake idzva rechishanu iro anoti ari kutengesa kuburikidza nemadandemutande anosanganisira WhatsApp, Facebook neTwitter izvo zvinofambirana nenzira dzekudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Tava kungorekodhera mudzimba dzedu uye hazvichaita kuti tiite mashoo nekuti vanhu havachatenderwa kuungana,” anodaro.

Anoti ane rombo rakanaka rekuva nestudio mumba umo anotsikisira nziyo dzake.

“Kwandiri zvimwe zvinhu zvizhinji zvakareruka nekuti ndinozviitira ndega kubvira pakunyora nziyo dzacho nekudzirekodha nekuti ndine muzinda wekutsikisira uri kumba unodaidzwa kuti Mai Zee Studios.

“Ndinofara zvikuru nekuuya kwakaita ruzivo rwechizvino-zvino mukufambisa mashoko munyika muno nekudaro kuti sevaimbi tiregedze kuramba tichiunganidza vanhu, tinofanirwa kufambirana nenguva toshandisa madandemutande kushambadza mabasa edu,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti chishuwo chake kuti kudai Hurumende yatsigirawo vaimbi zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa mabasa avo nechirwere cheCovid-19.

“Ini ndakapinda munyaya dzekuimba ndisingafungire izvo zvandingatsanangudza setsaona asi ndinofara zvikuru nazvo,” anodaro.

Anoti ane tarisiro yekuva muimbi ane mukurumbira munyika muno nepasi rose pamwe nekuvandudza muzinda wake wekutsikisa mhanzi kuti ufambirane nezviri kuitwa kune dzimwe nyika dzakabudirira.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×